Mamwe makomishina eZimbabwe Electoral Comission, ZEC, anoti zvose zvine chekuita nekunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota zvakachengetedzwa zvakasimba.
Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya mashandiro evatapi venhau panguva yesarudzo waitwa muBulawayo.
Mumwe wemakomishina maviri eZEC ange aripowo pamusangano uyu, Amai Faith Sebata, vaudza Studio7 kuti vanhu havafanirwe kutyira kuti pane zvingaitwe zvingakonzera kusafamba zvakanaka kana kubiridzirwa kwesarudzo.
Amai Sebata vatiwo gwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota richacheneswa zvekuti hazvingaite kuti pave nemunhu mumwe chete anogona kunyorwa kakawanda kana kuti anogona kuvhota kanopfuura kamwe chete panguva imwe chete.
Pane kushushikana kune vamwe veruzhinji pamusoro pekunonzi kusabuda pachena kweZEC pamusoro pekuti mazita evanhu vakanyoresa kuvhota ari kuchengetwa sei.
Vamwe vanoshushikanawo nenyaya yekuti kune vanhu vakawanda vane zvitupa zvine mazuva ekuzvarwa nenumber dzechitupa dzakafanana asi ivo vari vanhu vakasiyana, izvo zvinonzi nevamwe zvinogona kushandiswa seimwe nzira yekubiridzira nayo sarudzo.
Parunyerekupe rwekuit mapepa anoshandiswa pakuvhota kana kuti ballot papers akatodhindwa kare, VaDaniel Chigaru, vanovezve mumwe komishina weZEC vati hazvigone kuti mapepa aya adhindwe kana vanhu vanokwikwidza musarudzo vasati vataurwa nenomination court sezvinodiwa nemutemo.
Vati ZEC ichataura zvizere panguva yakafanira pamusoro pezvekudhindwa kwemapepa ekuvhotera vakatiwo vatapi venhau pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika anobvumidzwa kuwona panenge podhindwa mapepa aya.
Asi mutauriri webato reNational People’s Party, VaJeffryson Chitando, vati ZEC haifanirwe kungotaura chete asi vanofanirwa kuonekwa vachiita zvinhu zvinoita kuti vave nechivimbo chekuti vanoita basa rakanaka.
Pamusangano uyu vatapi venhau vachema-chemawo nenyaya yekuti vanonzi vanyorese kuZEC kuti vakwanise kunyora kana kutepfenyura nhau dzine chekuita nesarudzo.
Lee Mangena anoshanda neSkyz Metro FM ndemumwe wevatapi venhau ati haawone pane chikonzero chekuti ZEC iite izvi.
Zvichakadaro VaDavid Coltart avo vanove gweta uye vari nhengo yebato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube vaudza musangano mumwe chete kuti havawone sarudzo dzichikwanisa kuve dzakachena kana nhepfenyuro yehurumende yeZimbabwe Broadcastibg Corporation ichiramba yakarerekera kudivi rebato reZanu PF.
VaColtart vati kuita izvi kunotyora bumbiro remitemo yenyika vakatiwo kunyange hazvo izvi zvichigona kunetsa zvakakosha kuti vanorwira kodzero dzevanhu vakwire kumatare kuti nyaya iyi igadziriswe.
Musangano wemazuva maviri unopera neChina wakarongwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists.
Facebook Forum