Mutongi wedare repamusoro muBulawayo, Justice Francis Bere, varasa chikumbiro chechimbi-chimbi chebato reMDC -T inotungamirwa naVaNelson Chamisa chekuti Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vavo vasashandise zita rebato reMDC- T.
VaBere vati chikumbiro chechikwata cheMDC T yaVaChamisa hachingawonekwe sechechimbi-chimbi sezvo paine makakatanwa pakati pechikwata ichi nechinotungamirwa naMuzvare Khupe ekuti ndechipi chikwata chaicho pakati pezviviri izvi chine kodzero yekunzi ndicho MDC-T yechokwadi.
Dare ratiwo chikwata chaVaChamisa chakakwidza nyaya iyi mudare chibvise mari yekabhadhara magweta nechikwata chaMuzvare Khupe icho chaipikisa nyaya iyi.
Gweta raMuzvare Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati vafara nemutongo wedare nekuti zvagara zviri pachena kuti pari zvino pazvikwata zviviri zveMDC T hapana chine kodzero yekuudza chimwe zvekuita.
VaMadhuku vati zvaturwa mudare zvinosimbisa nyaya yavakakwidza kudare reConstitutional Court yekupikisa kudzingwa kwaMuzvare Khupe kubva mudare reparamende vachiti MDC-T yaVaChamisa yange isina kodzero yekuita zvayakaita.
MDC-T inotungamirwa naVaChamisa yaive yakwira kudare mushure mekunge Muzvare Khupe vanyora tsamba kuZimbabwe Electoral Commission vachiti ndivo mutungamiri chaiye weMDC-T.
Gweta reMDC T inotungamirwa naVaChamisa, VaLucas Nkomo, vati havana kufadzwa nemutongo waturwa naJustice Bere vakati vachaona kuti vokwira kudare reSupreme Court kana kuti kwete mushure mekuona mutongo waturwa naVaBere zvizere.
VaNkomo vati sezvo sarudzo dzave pedyo, kuti zvikwata zviviri zveMDC T izvi zvirambe zvichishandisa zita rimwe chete kunogona kuvhiringidza vamwe vatsigiri pakuziva kuti bato ravo chairo nderipi.
VaJameson Timba avo vanove nhengo yenational council yechikwata cheMDC T Chamisa vati vachatura kubato ravo zvabuda mudare uye vachaziva kuti votora gwara ripi mushure mekunge national council yebato iri yagara pasi mangwana ichizeya nyaya iyi.
Muzvare Khupe, avo vanoti ndivo vane kodzero yekutungamira MDC-T mushure mekufa kwaVaMorgan Tsvangirai, vakadomwa kuve mutungamiri wechikwata chavo cheMDC T pakongiresi yechimbi-chimbi yakaitwa nemusi weMugovera.
MDC-T izita raishandiswa munguva yesarudzo neMDC panguva iyo yaitungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vasati vafa.
Izvi zvakaitirwa kuti vatsigiri vaVaTsvangirai vazive pekuvhotera zvichitevera kupatsanuka kwebato iri muna 2005.
Musarudzo dza 2008 ne 2013,VaWelshman Ncube nebato ravo vakakwikwidza vachishandisa zita rekuti MDC, ukuwo VaTsvangirai vakashandisa zita rekuti MDC-T, asi zita chairo rebato riri MDC.
Facebook Forum