Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Vanoparura Gwaro Rinoburitsa Zvavachaitira Vanhu


MDC Khupe manifesto

Bato reMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe raparura gwaro raro rine zvivimbiso zvichaitwa nebato iri kana rikakunda musarudzo.

Vachitaura pakuparurwa kwemanifesito yebato ravo muBulawayo, Muzvare Khupe vakurudzira veruzhinji kuti vavhotere bato ravo vachiti ndiro chete bato rinokwanisa kuunza shanduko chaiyo munyika.

Muzvare Khupe vati kunyange hazvo bato reMDC rakaita zvakawanda kuti munyika muve neshanduko kusanganisira kuita kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika vati veruzhinji vachiri kutambura nekuti hurumende yeZanu PF haizi kukwanisa kuunza shanduko yechokwadi.

Mutevedzeri waMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vati vari kufara zvikuru nekuparurwa kwegwaro rinoziikanwa richinzi Building an Economy to Support Transformation kana kuti BEST vachiti gwaro iri rinokoshesa kumutsurudza hupfumi hwenyika uye kusimudzira veruzhinji vanotambura.

Zvimwe zvezviri mugwaro iri kuchosesa kuendeswa kwemasimba kumatunhu uyewo kuti mumatunhu akasiyana siyana munyika muve nezvipatara, makiriniki pamwe nezvikoro zvakakwana.

Gwaro iri rinokoshesawo kuremekedzwa kwebumbiro remitemo yenyika uye kuvandudzwa kwezvehupfumi.

Munyoro mukuru wezvechidiki webato iri, Muzvare Isabelle Mwonzora, vati vanofarira zviri mugwaro rebato ravo kunyanya nyaya yekukoshesa kuti vechidiki vapinde muzvigaro zvehutungamiri.

Imwezve nhengo yeboka revechidiki, VaAlfred Dzirutwe, varumbidzawo gwaro iri vachiti rinokoshesa kusimudzirwa kwevechidiki pamwe nekubatsira vanhu vanoshaya kusanganisira vakwegura nevanotambura.

Pamusangano uyu sachigaro webato iri, VaAbenico Bhebhe, vatorawo mukana wekuzivisa vatsigiri vebato iri kuti bato ravo richange richizoshandisa mufananidzo wechanza chine chiso chemwana pakati semufananidzo webato iri musarudzo.

Mufananidzo uyu ndiwo mufananidzo wekashandiswa nebato reMDC parakapinda musarudzo kekutanga mugore ra2000.

Pari zvino pane makakatanwa ari mumatare pakati peMDC-T yaMuzvare Khupe neinotungamirwa naVaNelson Chamisa pamusoro pezita nemifananidzo yebato iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG