Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Voshushikana neHuwandu hweVanhukadzi Vakakunda muZanu PF


Varwiri vekodzero dzevanhukadzi voshushikana nezviri kubuda musarudzo dzeZanu PF vachiti zvinodzorera kumashure kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Murwiri wekodzero dzevanhu variwo mutungamiri wesangano re#This Constitution, Our Constitution, Muzvare Abigail Mupambi, vanoti vari kushushikana nehuwandu hwevanhukadzi vakunda mubato reZanu PF.

Pama constituency zana nemakumi mapfumbamwe aitwa sarudzo kusvika pari zvino, vanhukadzi gumi nevapfumbamwe ndivo chete vabudirira kuti vazomirira bato iri musarudzo dzenhengo dzeparamende.

Muzvare Mupambi vanoti izvi zvinodzorera shure kurudziro yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi mune zvematongerwo enyika.

Munguva pfupi yapfuura, sachigaro weboka remadzimai muMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Amai Lynette Karenyi-Kore, vakati mubato ravo madzimai anopfuura zvishoma zvikamu makumi maviri kubva muzana ndivo chete vaive varatidza kuda kukwikwidza pazvinzvimbo zvekuve vamiriri veparamende.

Vari kuda kuve mumiriri weBulawayo Metropolitan mubato reMDC T yaVaChamisa pasi pechikamu che proportional representation, Amai Barbara Tanyanyiwa, vanoti chimwe chikonzero chikuru chinoita kuti madzimai atadze kupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri munyaya dzezvematongerwo enyika inyaya yekushaya.

Mumwewo murwiri wekodzero dzemadzimai, Muzvare Florence Guzha, vanotsinhira maonero aya.

Bumbiro remitemo yenyika rine chiga chehuwandu hwevanhukadzi vanofanirwa kuve mumatare eNational Assembly pamwe neSenate.

Murongi wemabasa muMDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, Muzvare Yvonne Musarurwa, vanoti chimwe chikonzero chikuru chinoita kuti vanhukadzi vasawaniswe mukana wekupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri mune zvematongerwo enyika inyaya yekuti vagara vachitarisirwa pasi munyaya dzehutungamiri.

Mune imwe ongororo yarakaita mumakore mana apfuura nesangano reResearch Advocacy Unit yakaburitsa kuti vamiriri veparamende vechidzimai vaiita basa ravo zviri nani kupfuura vanhurume.

Munyori mukuru weNational Association of Non-Governmental Organisations, Muzvare Tinaye Nhutsve, vanoti vanoshushikanawo nezvabuda kusvika pari zvino musarudzo dzema primary dzebato reZanu PF.

Muzvare Nhutsve vanoti zvakakosha kuti masangano anoshanda akazvimirira ega pamwe nehurumende zvishande pamwe chete kuti vanhukadzi vapinde muzvinzvimbo zvehutungamiri.

Vachitaura nerimwe bepanhau munguva pfupi yapfuura sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemadzimai nevechidiki, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vakati maitiro emapato ezvematongerwo enyika anoita kuti vanhukadzi vatadze kupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri.

Vakati kune mhirizhonga, kunyombwa, kushungurudzwa uye kudzvinyirirwa kwevanhukadzi kwakawanda kunoita kuti vasade kupinda muzvinzvimbo zvehutungamiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG