Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuvimbiswa neZanu PF Kana Yakakunda Zvotambirwa Zvakasiyanasiyana


Manifesto yeZanu PF

Vatsigiri veZanu PF pamwe nedzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana zviri kuvimbiswa neZanu PF kana ikakunda musarudzo.

Chipangamazano chinoshanda neUniversity of Pretoria kuSouth Afroca, VaTinashe Mawere, vanoti kunyange hazvo dingindira regwaro reZanu PF richitaura nenyaya dzekubatana, kurwisa huwori pamwe nekuita kuti nyika ibudirire, vanowona uku kuri kungotaura chete nekuti mumaitiro avo vakuru vakuru vebato iri havaite zvinhu zvinounza kubatana munyika.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti zvinovimbiswa neZanu PF manatsamukanwa chete chembere kurota ichiyamwa mukaka vachiti bato iri rave nemakore anoda kusvika makumi mana richitungamira nyika pasina zvinounza pundutso kuvanhu zvaraita.

Vanotiwo hakuna kubatana kwechokwadi kana budiriro ingaitike munyika kana nyaya dzakadai seGukurahundi dzisina kugadziriswa.

Mutapi wenhau anoshanda akazvimirira ega, Thelma Chikwanha, anoti zvinhu zviri kuvimbiswa neZanu PF, zvinhu zvakanaka zvakanaka chose.

Asi anoti anoshushikana nekusaburitswa zvakajeka kwenyaya yekusimudzirwa kwevechidiki nemadzimai achiti kunyange hazvo gwaro iri richitaura nezvekukosha kwekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, Zanu PF haina zvinobatika zvairi kuita pakuti vanhukadzi vapinde muzvinzvimbo zvehutungamiri mune zvematonegrwo enyika.

Anotiwo gwaro iri harina zvakajeka pamusoro pezvehupfumI, kunyanya kwakatariswa nyaya yeInformation Communication Technology.

Chikwanha anotiwo kunyange hazvo gwaro iri richitaura nezvekurwisa huwori, haawone bato reZanu PF richirevesa panyaya iyi.

Mukuru wesangano reAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vanotsigirawo nyaya yekuti gwaro reZanu PF rinobata zvinhu zvakakosha zviri pamoyo yeveruzhinji.

Asi vanoti nyaya huru iri pakuti bato iri richakwanisa here kuita zvariri kuvimbisa vachitiwo sezvo rave nemutungamiri mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe zvinhu zvichashanduka.

Manifesto yeZanu PF yakaparurwa naVaMnangagwa nemusi weChishanu muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG