Vanhu vashanu vasungwa mushure mekuratidzira kwaitika panze pechimwe chezvitoro zvikuru muBulawayo neChishanu masikati mushure mekuratidzira kwedzimwe nhengo dzebato reMthwakazi Republic Party panze pechitoro chikuru cheTM Pick n Pay Hypermarket muBulawayo.
Kuratidzira uku kwapinda muzuva repiri vanhu ava vachiimba uye vakabata zvinyorwa zvakasiyana siyana, kusanganisira zvange zvichishora nyaya yechizivano pakupinza vanhu mabasa.
Mumwe mukuru-mukuru wemapurisa paBulawayo Central Police Station, uyo angozvidoma nezita rekuti Magara atsinhira kuti vanhu vashanu vasungwa mushure mekuratidzira uku.
Vange vachiratidzira ava vari kutsutsumwa nenyaya yekuti pari kuitwa rusaruro kuchishandiswa nyaya yerudzi pakupinza vanhu basa kuri kuitwa nekambani yeTM Pick n Pay iyi.
Mumwe mukuru mukuru wepaTM Pick n Pay Hypermarket uyo angozvidoma nezita rekuti Nhamoinesu ati hapana zvaanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatapi venhau.
Asi mutevedzeri wemukuru webato reMthwakazi Republic Party, Muzvare Presia Ngulube, vati zvisinei nekusungwa kwaitwa vamwe vavo, vachaenderera mberi nekuratidzira uku kusvikira zvavari kunyunyuta nazvo zvagadziriswa.
Mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Moyo ashora kuratidzira kweveMthwakazi uku achiti hakuna maturo.
Mumwezve mugari VaDzikamai Nyoni vati nyaya yekusarura vanhu kuchishandiswa rudzi chinhu chakaipa zvikuru asi vashorawo nyaya yemhirizhonga.
Nemusi weChina chitoro cheTM Pick n Pay Hypermarket chakavharwa nguva yekupedza basa isati yakwana sezvo vamwe vevairatidzira ava vakanga vatanga kupotsera matombo kumapurisa anodzivirira mhirizhonga aichengetedza chitoro ichi pamwe nevashandi.
Asi neChishanu chitoro ichi chavhurwa semazuva ose zvisineyi nekuratidzira nekusungwa kwaitwa vamwe vevanga vachiratidzira ava.
Facebook Forum