Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Nhoroondo yeSarudzo kuMatunhu eMatabeleland


ROBERT MUGABE 1979
ROBERT MUGABE 1979

Vanhu vakawanda vari kuzeya kuti pamapato maviri makuru ane nhengo dzakawanda muparamende, Zanu PF neMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, nderipi richawana zvigaro zvakawanda mumatunhu akaisyana siyana munyika.

Murwiri wekodzero dzevanhu, VaButler Tambo, vanoti matunhu eBulawayo, Matabeleland North neMatabeleland South ane nhoroondo yekuvhotera mapato anopikisa kubva muna 1980 apo matunhu aya aivhotera bato reZAPU raitungamirwa nemushakabvu Joshua Nkomo.

Pakaitwa mubatanidzwa pakati peZAPU neZanu PF mushure mechibvumirano cheUnity Accord muna 1987, VaTambo vanoti matunhu akange ave kuvhotera Zanu PF asi vanotiwo nekuda kwekutsutsumwa pamusoro penyaya yeGukurahundi, vanhu vakawanda mumatunhu aya vaisavhota.

VaTambo vanoti hazvishamise kuti mushure mekuvambwa kwebato rinopikisa reMDC, hazvishamise kuti matunhu aya akavhotera bato iri zvine mutsindo musarudzo dzegore ra2000.

Asi vanoti kupatsanuka kwakazoita bato iri mumakore aitevera kwakapa mukana kubato reZanu PF, vachitiwo, nekuda kwemakakatanwa aripo pari zvino pakati paVaChamisa naMuzvare Thokozani Khupe, avo vari kutungamira rimwe bato reMDC, vanoona bato reZanu PF richiwedzera zvigaro zvariinazvo mumatunhu aya pari zvino mudare reparamende.

Nyanzvi muzvidzidzo zvekutongwa kwematunhu, VaVincent Chakunda, vanotiwo maonero avo ndeekuti MDC-T yaVaChamisa nemubatanidzwa wayo weMDC Alliance, ichakwanisa kuwanazve rutsigiro rwakakura kunyanya mudunhu reBulawayo kuchitariswa kuti VaChamisa vari kufarirwa nekuda kwezera ravo .

Dunhu reBulawayo rine zvigaro gumi nechimwe zvedare reparamende nezvigaro zvitanhatu zvedare re-senate.

Ukuwo dunhu reMatabeleland North rine zvigaro makumi matatu zvedare reparamende, koita zvigaro zvitatanhtu zvedare re-senate zvinove zvimwe chetezvo nedunhu reMatabeleland South.

Pari zvino bato reZanu PF rine zvigaro zvakanyanyowanda mudunhu reMatabeleland South umo rakatora zvigaro zvose.

Muongorori wezvematongerwo enyika uye achidzidzisa paUniversity of Pretoria muSouth Africa, VaTyanai Masiya, vanoti pamatunhu matatu eMatabeleland, dunhu reMatabeleland South ndiro rinonyanyonetsa kuziva kuti nderipi bato ringakunda mudunhu iri.

VaMasiya vanoti kunze kwenhoroondo yekuti matunhu akasiyana-siyana anowanzokuvhotera bato ripi, kune zvimwe zviripo zvakakosha zvichabatsirawo kuburitsa kuti nderipi bato richakunda musarudzo idzi.

Vanoti chimwe chezvinhu izvi ndechekuti sarudzo idzi dzichave dzekutanga dzichaitwa VaRobert Mugabe namushakabvu Morgan Tsvangirai vasimo mudariro.

VaChakunda vanoti munhu anoonekwa saiye chaiye achagona kugadzirisa mamiriro ehupfumi hwenyika, ndeimweo nyaya yakakosha zvikuru mukuvhota kwevanhu.

Vamwewo vanoti kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo uye kuti sarudzo idzi dzichaitwa nenzira inoonekwa seyakanaka uye yakachena here kuchabatsirawo mukuburitsa kuti ndiani achakunda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG