Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vachasangana neZec neChipiri Kuitira Kuti Zvinetswa Zvigadziriswe


MDC Alliance Nelson Chamisa In Bulawayo Rally

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vachasangana neZimbabwe Electoral Commission, Zec, svondo rinouya kuitira kuti vagadzirisane gakava riripo.

Asi vanoti zvinyunyuto zvavainazvo zvikasagadziriswa zvinoreva kuti sarudzo munyika dzichatadza kuitwa.

Vachitaura pamusanagano wekutsvaga rutisgiro muBulawayo, VaChamisa vadzokorodza mashoko avari kugara vachitaura ekuti kana sarudzo dzikaitwa zviri pachena, ndivo vanokunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vati zvinyunyuto zvavainazvo pamusoro pezviri kuitwa neZec hazvizi zvenhando vakatiwo vachasangana nevakauru vakuru veZec nemusi weChipiri svondo kuitira kuti vagadzirise gakava riripo.

Asi vati kana pakasave nechinobuda pamusangano uyu, zvinoreva kuti mubatanidzwa wavo uchaenderera mberi nekuratidzira kwawakaronga.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvauya kumusangano uyu zvaratidza kufara nekuvepo pamusangano uyu kwemutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa.

VaDabengwa vaudza musangano uyu kuti vakaedza kugadzirisa makakatanwa pakati paVaChamisa naMuzvare Thokozani Khupe.

Asi vati izvi zvakaramba vakazoona zvakakodzera kutsigira VaChamisa.

VaChamisa vati vanoremekedza varwi vehodno yerusununguko vakaita saVaDabengwa nekuti vanoramba vakamira pachokwadi chezvinangwa zvakarwirwa hondo yerusununguko.

Vatiwo vanoziva kuti ivo semunhu wechidiki vanoda vanhu vabve zera kuti vavabatsire nemazano.

Vanhu pamusangano uyu vafarawo apo VaSibangilizwe Nkomo mwana wamushakabvu Joshua Nkomo varatidzwa kuvanhu.

Vanhu vafarawo apo varatidzwa vamwe Ambuya vakaita mukurumbira paWhatsApp mushure mekutaura kuti vanotsigira VaChamisa.

Vamwe vatsigiri vaVaChammisa vataura neStudio7 vati vanotarisira kuti MDC Alliance ichakunda musarudzo vachitiwo vanotarisira kuti vachakwanisa kuita kuti munyika muve neshanduko veruzhinji vachiwana hupenyu hwakanaka.

Musangano wanhasi ndiwo wekutanga waitwa munhandare yeWhiute City kubvira zvakaputika bhambu rakapotsa rakuvadza, kana kuuraya mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mwedzi wapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG