Bato reZAPU rinopinda muchibvumirano neMDC Alliance chekutsigira VaNelson Chamisa musarudzo.
Mutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa, vazivisa nezvechibvumirano ichi pamusangano wavaita nevatapi venhau neChishanu muBulawayo.
Mutauriri weZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti ZAPU haizi kupinda muMDC Alliance asi chibvumirano ichi chichaita kuti bato reZAPU ripiwe zvigaro gumi zvedare reparamende zvichakwikwidzwa nenhengo dzebato iri dzichitsigirwa neMDC Alliance.
VaMaphosa vati bato ravo rakamboedza kutaura nemamwe mapato asi richitadza kuwirirana nawo izvo zvaita kuti rishande neMDC Alliance.
Chipangamazano paUniversity of Pretoria, VaTinashe Mawere, vanoti VaDabengwa munhu ane nhoroondo inoremekedzwa mukurwira rusununguko rwenyika vachitiwo chibvumirano ichi chinogona kubatsira VaChamisa neMDC Alliance zvikuru.
Mudzidzisi munyaya dzerunyararo nebudiriro uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, Vincent Chakunda, vanotsinhirawo maonero aya.
Mune imwewo nyaya, Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu mazana maviri nevashanu ndivo vakakwanisa kuendesa mazita avo kudare reNomination Court nezuro kuti vakwikwidze pazvigaro gumi nezviviri zvedare reparamende zviri mudunhu reBulawayo.
Facebook Forum