Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika dzakatenderedza Zimbabwe izvo zvine mapasipoti ari kupera gore rino nerinouya zviri kuchema chema zvichiti kutanga kushanda kwe e-passport muna 2024 kuchaita kuti vabhadhare mari yakawanda.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika dzakatenderedza Zimbabwe zviri kushora zvikuru matanho ari kutorwa nehurumende ichiti iri kudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCOVID-19, Omicron variant.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende yavo iri mubishi kuvaka maraibhurari nekuisa makombiuta muzvikoro zvose zveveruzhinji kubva kune zvepasi kusvika zvekumusoro senzira yekupa vana ramangwana rakajeka.
Apo zororo reKisimusi roswedera, vamwe vana muzvinabhizinesi muguta reFrancistown, muBotswana vochema chema vachiti kuvharwa kwemabhodha eZimbabwe koita kuti varasikirwe nemari ukuwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekutenga nekutengesa zvichiti zvodya nhoko dzezvironda.
Kunetsana pakati pezvizvarwa zveZimbabwe nezveBotswana kumuganu wenyika mbiri kuri kuenderera mberi paine kurudziro yekuti paitwe nhaurirano nevatungamiri vehurumende venyika mbiri idzi kuti nyaya yekubiwa kwemombe nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe isarambe ichienderera mberi.
Muimbi, Worseley Manzungu, uyo anoridza mbira, marimba nehosho nezvimwe, anoti shuviro yake ndeyekuti mumhanzi wake uziikanwe nevanhu vazhinji vemudunhu rekuchamhembe kweAfrica.
VaMasisi vati hurumende yavo ichataura nemumiriri weZimbabwe VaBatiraishe Mukonoweshuro kuti vanoongorora mamiriro ezvinhu kunharaunda yeBobonong hurukuro naVaMnangagwa dzisati dzatanga
Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora danho rakatorwa nebazi rinoona nezve runyararo mugungano renyika dziri kuchamhembe kweSADC rekuti kushandiswe madandemutande mukuongorora sarudzo dzeekuZambia.
Muzinda weZimbabwe uri muBotswana wave kuvandudza mashandiro nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19 munyika iyi paine kurudziro yekuti vanhu vashandisewo madandemutande nembozhanhare.
Rodhai zvimwe