Accessibility links

Breaking News

VaMasisi Vanoti Zvirango Zvopa Kuti Vamwe vemuZimbabwe Vabe muBotswana


Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi nemutungamiri wenyika yeZimbabwe VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi nemutungamiri wenyika yeZimbabwe VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti kuoma kwehupenyu muZimbabwe kwakonzerwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika kwave kupa kuti zvizvarwa zvenyika iyi zvirarame nekuba munyika yavo.

Vachitaura nezuro manheru nevagari vemumusha weSemolale uri pedyo nemuganhu wenyika iyi neZimbabwe, VaMasisi vakati zvirango zviri kukanganisa vanhuwo zvavo muZimbabwe kwete vatungamiri zvopa kuti vagume votyora mutemo munyika mavo. VaMasisi vakadzokorora kurudziro yavanogara vachipa yekuti zvirango izvi zvibviswe.

VaMasisi vakaenda kumusha uyu kunotsanangura nezvematanho ari kutorwa nehurumende yavo akanangana nekupedza kubiwa kwezvipfuyo nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

Vakakumbirisa vagari vemumusha uyu kuti kusava nekurwisana nezvizvarwa zveZimbabwe nokuda kwekubiwa kwezvipfuyo munzvimbo iyi vachiti zviri kusundwa nehurombo hwapfunya chisero munyika mazvo.

Asi VaJohn Pamire, avo vanova sachigaro wedunhu reBotswana mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, vanoti VaMasisi vanofanira kutaura chapa musoro uteme muZimbabwe kwete kurova imbwa vakaviga mupini.

Vanoti kudya nhoko dzezvironda hakungave chikonzero chingaite kuti munhu aite zvehumbavha.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana kwenyika vachidzidzisa paUniversity of Botswana, VaMoreblessing Ndlovu vanoti mashoko aVaMasisi anokukurudzira kusateerwa kwemutemo.

Gore rakapera, zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakarohwa zvakaipisisa zvikafa chimwe chechitatu chikaitwa kafiramberi nevagari wemumusha weBobonong mushure mekunge zvawanikwa zvichitinhira mombe dzevarimi venzvimbo iyi kudivi reZimbabwe.

Mukuru wemapurisa munyika VaGodwin Matanga vakaudza vaori venhau kuti kushaya zvikwanisiro ndiko kuri kupa kuti vasakwanise kuendesa mapurisa akawanda kumuganhu neBotswana.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaumbawo chikwata chemakurukota kuongorora nyaya yekubiwa kwemombe kuBotswana mushure mekunge zvaonekwa kuti mamwe mapurisa ainge oita zvehuori achishanda nevaiba mombe kuBotswana.

Panyaya yezvirango, VaMnangagwa vanoti Zimbabwe yakatemerwa zvirango mushure mekutora minda kubva kuvachena ichipa vatema. Asi nyika dzakaita seAmerica dzinoti VaMnangagwa nevamwe vavo vari muhurumende vanofanira kumira nyaya yekutonga nedemo, kubirira sarudzo nehuori kuti zvirango izvi zvibviswe.

Vakatoudza nyika dzemuSADC kuti Zimbabwe ikasatsiurwa inoramba ichideura ropa mudunhu reSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG