Accessibility links

Breaking News

Vaive Muhupoteri KuBotswana Vakadzingwa Vonetseka neMhirizhonga Yotangazve muNyika


Nhengi dze Citizens Coalition for Change dzakakuvadzwa kuKwekwe
Nhengi dze Citizens Coalition for Change dzakakuvadzwa kuKwekwe

Kukwira kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika munyika yakanangana zvikuru nenhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, iyo iri kunzi iri kukuchidzirwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato riri kutonga reZANU PF, kunonzi nevamwe kwave kudzora ndangariro dzemhirizhonga yakaitika muna 2008, iyo yakasiya nyika yazunzika.

Masvondo rmashoma adarika, mumwe mutsigiri we Citizens’ Coaltion for Change, VaMboneni Ncube, avo vakanga vava nemakore makumi matatu nemashanu ekuberekwa, vakafa vachangosvika pachipatara mushure mekunge vabaiwa rutatu nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZANU PF vakavhiringidza musangano waVaChamisa nenhengo dzavo kuKwekwe.

Musha wenhengo yeCitizens Coalition for Change (CCC) vari kanzura we Ward 8 kuBindura, mudunhu reMashonaland Central, VaOswell Shambare, wakapiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri neZanu PF.

Mumwe wevarume vanochengetedza pamusha pevaimbove mumiriri weHarare East mudare reparamende, vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato reCCC, VaTendai Biti akarohwa zvakaipisisa nekukuvadzwa nevarume vana vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu PF.

Mumatunhu akasiyanasiyana nhengo dzebato rinopikisa iri dzinonzi dziri kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF kana dzakawanikwa dzakapfeka nhumbi dzebato radzo kana nhumbi dzeruvara rwe yellow.

Mapurisa haasi kusiiwawo munyaya iyi, sezvo ari kupomerwa mhosva yekutarisa rutivi panoshungurudzwa nhengo dzeCitizen’s Coalition for Change, kana kutarisa kuti munhu abuda mumba maani pakubvumidza kana kurambidza kuitwa kwemisangano yezvematongerwo enyika.

Mapato akaita seZanu PF neMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, anonzi ari kuita misangano pasina kukanganiswa kana kurambidzwa nemapurisa.

NeMugovera, mapurisa akarambidza nhengo dzeCCC kuita musangano wadzo wekutsvaga rutsigiro munhandare yeRudhaka kuMarondera, kunyange hazvo dare rakanga rapa mvumo yekuti musangano uyu uenderer mberi. Asi Zanu PF yakaita musangano wayo kuKaroi zvisina kukanganiswa.

Muzvare Fadzayi Mahere, avo vanova mutauriri veCCC, vakaudza Studio7 parunhare vari muHarare kuti ZANU PF iri kuita zvemhirizhonga mushure mekuona kuti mhomho yevana veZimbabwe yave kutiza nebato rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Kunyange hazvo vazhinji vachinzi vave kufunga kutsigira CCC muchinyararire, Muzvare Mahere vakurudzira vana veZimbabwe kuti varambe vakamira semusambangwena vachiti hapana chinouya chega.

Masvondo mashoma apfuura, sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum rakaburitsa gwaro richishoropodza zvakasimba mhirizhonga yezvematongerwo enyika iyi, richiti nyaya dzemhirizhonga dzine chekuita nesarudzo.

Sangano iri rakati rakanga raona nyaya dzemhirizhonga dzaisvika zana negumi nembiri dzaive dzakarongwa nevezvematongerwo enyika pamwe nekushungurudzwa uye kusungwa zvisina tsarukano nemapurisa kwevanopikisa.

Vamwe vevave kuyeuchidzwa mhirizhonga nezvakamboitika kwavari ndevamwe vevaimbowe muhupoteri pakamba yevapoteri yeDukwi Refugee iri muBotswana.

Vanhu ava vakazodzeserwa kumusha nechisimba pakati pemakore a2018 ne2021 mushure mekunge sangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees, kana kuti UNHCR, rakabatana nedzihurumende dzeZimbabwe neBotswana, vabvumirana kuti zvinhu zvagadzikana munyika.

VaWeston Chibi, avo vanoziikanwa nerekuti ‘Panonetsa’ mune zvematongerwo enyika, ndemumwe wevanhu vaimbove muhupoteri, uye vaudza Studio 7 vari parunhare kwaMutare kuti vave kufunga kutsigira bato ravo reCCC muchivande nekutya kurwiswa sezvo vasisina kwekutizira kana zvaipa.

Mumwewo aimbove muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp uyo ada kudomwa nerekuti Amai Gurajena chete anoti mhirizhonga iri kuitika munyika inotyisa zvikuru.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZANU PF, VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio7 parunhare vari muHarare kuti bato ravo hariiti zvemangoromera.

Vachipindurawo mubvumzo vanga vabvunzwa nemukuru webato reMDC-T mudare reSenate, VaDouglas Mwonzora munguva pfupi yapfuura, gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vakati mapurisa achaita zvese zvaanogona mukusunga nekutonga vose vachavanikwa vachiita zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG