Accessibility links

Breaking News

Botswana Yovandudza Chikamu cheMutemo Wayo Chinobata Vana Vanenge Vaberekwa neVabereki Vanobva Kunze


Nyika yeBotswana
Nyika yeBotswana

Botswana yavandudza mutemo wange uchimanikidza vana vanenge vasvika makore gumi nemasere vaine vabereki kubva kune imwe nyika kuti vasave nemagwaro anovatora sezvizvarwa zvenyika iyi neyeBotswana panguva imwe chete kana kuti dual citizenship.

Nyika iyi yaita izvi kuburikidza nekuvandudza chikamu kana kuti Section15 (1) ne (4) yemutemo vayo weCitizenship Act zvichitevera mutongo wedare repamusoro wekuti hachienderane nezvikamu 3, 13, 14 ne15 zvebumbiro remutemo renyika iyi.

Mwedzi wapera, vatongi vedare repamusoro Muzvinafundo Bugalo Maripe, Justice Michael Leburu uye Justice Ookeditse Maphakwane vakapa mutongo wekuti mutemo wainge uripo waityora bumbiro remutemo.

Izvi zvakatevera nyaya yainge yakwidzwa kudare naSithabile Mathe, Sunniva Mathe, Edzward Egner uye Megan Kelosiwang vainge vaine vana vaida kumanikidzwa kuti vatore mhiko kuti vanoda kuva zvizvarwa zveBotswana here kana kuti zvedzimwe nyika dzakaberekerwa vabereki vavo kunyangwe ivo vana ava vainge vaberekerwa muBotswana. Dare rakati kuda kuvamanikidza kutyora bumbiro remitemo.

Mukuru mubazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu muBotswana VaEric Ditau vaudza Studio7 parunhare vari muguta reGaborone kuti mutemo wave kuvandudzwa uye zvichabatsirawo vanhu vakawanda vange votambura kana vasvika makore gumi nemasere.

Mumiriri weTati East mudare reparamende muBotswana Dr. Douglas Letsholathebe vanoti kuraswa kweSection 15 (1) ne (4) yemutemo weCitizesnhip Act yenyika iyi kunofadza chose.

Dr. Letsholathebe, avo vanovazve gurukota redzidzo yepamusoro vanoti vanhu zviuru zvisere vane vabereki vakabva kuZimbabwe vange vasanganano nedamubudziko iri rekuti vatore mhiko kunyika imwe chete.

Vamwe vakaita sa Muzvare Annah Peter vanoti vakanobhadhara mazana maviri emadhora ekuAmerica kuMakombe Building kuHarare kuti vasanzi chizvarwa cheZimbabwe sezvo Amai vavo vakaberekerwa muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzekupinda nekubuda kwevanhu munyika VaMartin Matambanadzo vanoti danho ratorwa nehurumende yeBotswana idanho rinoenderana nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Zimbabwe ndeimwe nyika yakavandudzawo mutemo wayo kuti zvizvarwa zvenyika yayo zviri kune dzimwe nyika zvisamanikidzwewo kusarudza kuti zvinoda nyika ipi zvichitenderwa kuti zvive nehugaro hwenyika mbiri kana kuti dual citizenship.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG