Accessibility links

Breaking News

WFP Yobatsira Vanhu Voyaura neNzara muZimbabwe neSADC


Sangano rinopa rubatsiro munyika dzepasi rose reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti riri kuyedza kutsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe iyo ine vanhu vari pakati penyika dzemudunhu reSADC dzakatarisana nenzara inotyisa.

Izvi zvinonzi zvakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura, mitemo yehurumende isingakurudzire budiriro uye kurwiswa kweUkraine neRussia.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muWFP, VaTatenda Macheka vaudza Studio 7 kuti vari mubishi kusimbaradza hurongwa hwekugadzirisa matambudziko akasiyana siyana akatarisana neZimbabwe munyaya dzezvekudya vachibatsiraan nehurumende nemamwe masangano akazvimirira oga.

Izvi zvinotevera gwaro rechitanhatu reUnited Nations Assessment Report of the Inter-governmental Panel on Climate Change rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vasina chikafu mudunhu reSADC kusanganisira Zimbabwene hunosvika mamiriyoni makumi mana nemapfumbamwe nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 49.9 million. Vanhu ava vanoda rubatsiro kubva muna Kubvumbi wegore rino kusvika Kurume wa2023.

Gwaro iri rinoburitsawo pachena kuti vana vanosvika mamiriyoni gumi nemasere nezviuru mazana matanhatu kana kuti 18.6 million havana miviri yakagwinya nekuda kwekushaya chikafu chinovaka muviri.

Zvakabuda mugwaro iri zvatsinhirwa nemutungamiri werimwe remasangano anorwira kodzero dzevadzidzisi munyika reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ, Doctor Takavafira Zhou.

VaMacheka vati sangano ravo rinoshanda nemamwe masangano akazvimirira pamwe chete nedzihurumende mukuyedza kuwanisa vanhu zvokudya zvinovaka muviri nemari sezvakaitwa nehurumende yeJapan kuburikidza nemuzinda wayo muZimbabwe nemusi weChipiri.

VaAmos Masango, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko pamuzinda weJapan munyika vaudza Studio7 kuti hurumende yeJapan yakapa sangano reWFP, iro rinoti riri kutarisira kubatsira vanhu zviuru mazana mana mumaruva nemumadhorobha, rubatsiro rwemari.

Vanoti rubatsiro urwu rwuri kutarisirwa kubatsira vazhinji vari kunonga svosve nemuromo munyika nokuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Kubva muna 2019, Japan yakapa mari inodarika mamiriyoni makumi maviri nemana nezviuru mazana matanhatu kana kuyi US$ 24.6 million kuWFP yechikafu pamwe nekusimudzira magariro evanhu muZimbabwe.

Mamwe masangano ari kubatsirawo vana vave ndonda nekuda kwenzara anosanganisira GOAL Zimbabwe iri kushanda nemakanzuru eHarare neBulawayo kupa vana vave ndonda nekushaya chikafu zvekudya zvinovaka muviri.

Kunyangwe zviri kunzi nyika yakatarisana nenzara inotyisa, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati Zimbabwe ine chikafu chinokwana kusvika gore rinouya. Vachinyora mubepanhau reSunday Mail, VaMnangagwa vakati Zimbabwe yainge ichitarisira kukohwa chibage chinosvika matani miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1, 8 million tonnes mwaka uno.

Vakati mumatura eZimbabwe magara muine chibage chinosvika zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 tonnes zvichireva kuti nyika inotosara nechibage chinosvika matani zana rezviuru kana kuti 100 000 metric tonnes. Zimbabwe inoda chibage chinosvika matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2, 2 million tonnes pagore.

Asi vanhu vakawanda vari kutaura neStudio 7 kuMasvingo nemamwe matunhu eMatabeleland vanoti vave kuyaura nenzara uye havasi kuona chikafu chiri kutaurwa naVaMnangagwa. Nyika iri kutengawo chikafu kubva kuMalawi neZambia kuburikidza nesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe zvinonzi nenyanzvi muratidzo wekuti munyika hamuna chibage chakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG