Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvobatsira Mushure Mekufa kweZvimwe Mazana Maviri muBotswana Gore Rapera


Mushure mekufa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri nezvirwere zvakasiyana siyana kubva kuBotswana, zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zviri musangano reAll Zimbos in Botswana zvakaumba komiti yekukurudzirana kuti kana munhu arwara atsvage rubatsiro nekukasika kubva kune vamwe kana kukurumidza kuenda kuchipatara pane kuzoenda kuchipatara chirwere chakomba.

Gore rapera, muzinda weZimbabwe muBotswana unoti wakagadzira mapepa ekudzosera kumusha mitumbi zana nemakumi manomwe nemitatu kana kuti 173 yezvizvarwa zveZimbabwe zvainge zvafa uye mimwe makumi matanhatu nemitanhatu yezvainge zvafa nechirwere cheCovid-19.

Ndufu idzi dzakapa kuti nhengo dzesangano reAll Zimbos in Botswana dziise musoro pamwe chete kuti dzibatsirane kuti vanhu vabude pachena nehurwere hwavo kuti vatsvagirwe rubatsiro.

Vakavamba uye vanotungamira sangano reAll Zimbos in Botswana amai Portia Muzondo vanotivakarasikirwa nenhengo dzesangano ravo makumi matnhatu gore rapera.

Mukuru wekomiti itsva yekubatsirana pahurwere vachishanda sechipangamazano mune rimwe sangano rakazvimirira muBotswana, Muzvare Bithea Mthetwa vanoti ruzhinji rwezvizvarwa zveZimbabwe rwuri kunonoka kuenda kuzvipatara.

Muzvare Mthetwa vanoti vachashandisa madandemutande kukurudzirana kunorapwa.

Muzvare Hazvinei Makwanise vanova nhengo yesangano iri vanoti mwana asingacheme anofira mumbereko

Vaenderera mberi vachiti vanhu vakafanira kugara vachizvivhenekesa zvirwere zvakafanana nechemukondombera, chegomarara, blood pressure necheshuga sezvo zvichikwanisa kurapwa zvisati zvakomba.

Chipangamazano munezvematongerwo enyika nehupfumi pamuzinda weZimbabwe muBotswana, VaFrancis Chimina vatiwo vakagadzirira kubatsirawo zvizvarwa zvenyika zvinenge zvawirwa nematambudziko.

Nekuda kwekuoma kwehupenyu munyika uye kudawo mafuro manyoro, zvizvarwa zveZimbabwe zvakaendawo kunogara kuBotswana nedzimwe nyika dzakapoteredza asi dzimwe nguva zvinhu zvinoomera vamwe vanozoguma vofa nekushaya anobatsira zviri kupa kuti vamwe vaumbe masangano ekubatsirana sezvo kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG