Accessibility links

Breaking News

Vapoteri vemuZimbabwe Vashoma Vasara kuBotswana Vopemberera Zuva reVapoteri


Dukwi Refugee Camp - Botswana

Vapoteri vanobva kuZimbabwe vashoma vakasara pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana mushure mekunge vamwe vavo vamanikidzwe kudzokera kumusha, nhasi vabatana nevamwe vavo venyika gumi nenomwe mukucherechedza zuva revapoteri reWorld Refugee Day. Shingirai Madondo anotipa nyaya iyi.

Kwanga kusingadane anonzwa nhasi pamuzinda weDukwi Refugee Camp, uyo uri makiromita zana nemakumi masere kumaodzanyemba akadziwa kumadokero eguta reFrancistown muBotswana apo vapoteri vanobva kunyika sere vakachengetwa pamuzinda uyu vacherechedza zuva revapoteri reWorld Refugee Day.

Vapoteri ava vacherechedza zuva iri kuburikidza nekutamba mimhanzi, kudetemba nekuimba nziyo dzinotsangura matambudziko anosangana nevapoteri mukutsvaga hupoteri.

Amai Patience Takaona, mumwe wevapoteri vapindira mabiko aya, vanoti vakasara pamuzinda weDukwi mushure mkunge sangano rinorwira kodzero dzevapoteri pasi rose reUnited Nations High Commissioner for Refugees kana kuti UNHCR pamwe chete nehurumende yeBotswana, vaona kuti hupenyu hwavo vanga huri munjodzi kana vakadzoserwa kumusha.

Amai Takaona, avo vanova sachigaro wekomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevapoteri pamuzinda uyu, vakumbira hurumende yeBotswana kuti isadzosere vapoteri kunyika dzavo asi kuvapa hugari hwenyika iyi.

Vakurudzira hurumende dzemuAfrica kuti dzisiyana netsika yekumbunyikdza kodzero dzevanhu.

Gurukota rezvemitemo muBotswana, VaRonald Machana Shamukuni vaudza vapoteri ava kuti vanzwa chichemo chaAmai Takaona ndookuvimbisa kuti vachaisa misoro pamwe nevamwe vakuru mukuona kuti vapoteri vangabatsirwe sei panyaya yekupihwa hugari hwenyika iyi.

Mumiriri weUNHCR kuchamhembe kweAfrica, Amai Preepa Law vati sangano ravo rakazvipira kushanda nehurumende yeBotswana mukutsvaga nzira dzekupa vapoteri hugari hwakanaka.

Mumakore matatu apfuura, UNHCR nehurumende yeBotswana vadzosera vapoteri vanodakira chiuru chimwe chete nemazana mashanu, vange vari munyika iyi kunyika dzavo.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG