Accessibility links

Breaking News

Makurukota Anoona nezveNyaya dzeVanhukadzi muSADC Oshushikana Zvikuru neKukwira kweNyaya dzeMhirizhonga yeMudzimba


Kushungurdzwa kwevanhu mudzimba, zvikuru madzimai, kunonzi kwakwira mudunhu reSADC.
Kushungurdzwa kwevanhu mudzimba, zvikuru madzimai, kunonzi kwakwira mudunhu reSADC.

Makurukota anoona nenyaya dzinobata vanhurume nevanhukadzi uye dzakanangana nevanhukadzi anobva munyika dziri kuchamhembe kweAfrica dziri mugungano reSADC anoti ari kushushikana zvikuru nekukwira kwemhirizhonga yemudzimba, zvikuru kuvanhukadzi mudunhu iri.

Makurukota aya akurudzira nhengo dzegungano iri kuti dzigadzire zvirongwa zvinobudirira kudzivirira pamwe nekuchengetedza madzimai uye zvinogara zviripo.

Izvi zvabuda pamusangano wemakurukota wapetwa nhasi muguta reLilongwe, kuMalawi, wekuzeya kufambiswa kwezvirongwa zvakanangana nebudiriro yevanhukadzi pamwe mudunhu reSADC pamwe nekuvandudzwa kwechibvumirano cheSADC Protocol on Gender and Development.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano uyu, sachigaro webazi rinoona nezvemashandiro nekuvandudzwa kweSADC uye vari chipangamazano muSADC Council of Ministers, Amai Nancy Tembo (vekuMalawi?), vati nyika dzakafanira kuvandudza kuunganidzwa kwehuwandu hwenyaya dzemhirizhonga dzakanangana nevanhukadzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tatadza kubata gurukota rinoona nezvemadzimai kana kuti Women’s Affairs, Amai Sthembiso Nyoni sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Amai Skhathele Matambo, imwe nhengo yebhodhi yesangano reEmthonjeni Women’s Forum, iyo yakavambwa kuti ibatsire vanhukadzi kukunda mhirizhonga mudzimba uye kubatsirana navo mune zvehupfumi pamwe nekugadzira nhandare yavanogona kupanana nekutsinhana ruzivo panyaya dzakasiyana siyana, vanoti mhirizhonga yakanangana nemadzimai iri kukura munyika.

Amai Matambo vakurudzira hurumende kuti ibvumidze chibvumirano cheInternational Labour Organization kana kuti ILO Convention No 190, icho chakanangana nekuona nekuona kuti munhu wese awana mukana wekushanda mumabasa musina mhirizhonga uye musina kushungurudzwa, vachiti izvi zvinopa madzimai mukana wekuumba hwaro hwekushanda pamwe vachibatsirana mune zvehupfumi.

Mukuru musangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen’s Action Group, Amai Edinah Masiyiwa, vanoti kunyangwe hazvo hurumende yakadzika mitemo yakanangana nekurwisana nemhirizhonga yemudzimba, kuchine zvipingamupinyi zviri kutadzisa kudzivirirwa kwayo.

Amai Masiyiwa, avo vanovazve nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhukadzi, vaenderera mberi vachiti kwave nemhando itsva yemhirizhonga kuvanhukadzi kunze kwemhirizhonga mudzimba sekunyombwa pamadandemutande paindaneti.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti kushungurudzwa kwevanhukadzi rave dambudziko renyika yose mushure mekunge vanyorerana chibvumirano cheHigh Level Political Based Violence and Harmful Practices in Zimbabwe icho chakaparurwa muguta reBulawayo mwedzi wapera.

Muchiziviso chavo, VaMnangagwa vakati kusainwa kwehurongwa hwekupedza kushungurudzwa kwevanhukadzi kwakanangana nekucherechedzwa kwekupedzwa kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu, chiri chimwe chezvimhingamupinyi zvikuru zviri kutora chikamu chikuru chevanhukadzi mukupinda musarudzo.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG