Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai wekuZimbabwe Ari muBotswana Onyora Mabhuku Kusimudzira Vamwe


Amai Sarah Mberengo
Amai Sarah Mberengo

Mumwe munyori wemabhuku anobva kuZimbabwe asi achishandira muguta reGaborone muBotswana semudzidzisi wevana vakaremara, Amai Sarah Mude Mberengo, vanoti chido chekuunza shanduko muhupenyu hwevanhu ndicho chakaita kuti vatange kunyora mabhuku.

Amai Mberengo, avo vakaberekwa kuZhombe mudunhu reMidlands makore makumi mashanu nematanhatu apfuura, vanoti chido chavo chekufadza vana nengano ndicho chakaita kuti vatange kunyora mabhuku vachikurudzirwawo nekumoma pamwewo murume wavo.

Vanoti mabhuku avo maviri ekutanga anoti A Means To An End nerimwe rinonzi Such Is Life akanyorwa nechirungu ndookutsikiswa nnekambani rekuAmerica ine mukurumbira mukutsikisa yeAmazon.

Sezvo kuverenga kuchipa vanhu masimba, Amai Mberengo, avo vanova mudzidzisi pachikoro cheAl-Nur International Primary School muGaborone, vaudza Studio7 parunhare kuti vakatangawo kunyora mabhuku nerurimi rwaamai kuitira kukurudzira madzimai nevamwe vanorarama muhurombo.

Pari zvino, Amai Mberengo vanyora mabhuku matatu nerurimi rwechiShona asi rimwe chete rinonzi Ndoziya Nenzara ndiro ratsikiswa parizvino.

Amai Mberengo, avo vane vanasikana vana nevazukurusikana vaviri, vanoti vanhu vazhinji kunyanya madzimai vanopererwa netariro kana vachirarama hupenyu hwekunonga svosve nemuromo vachiti shuviro yavo kuona mabhuku avo achishandura hupenyu hwevanhu.

Amai Mberengo vanoti havo chishuwo chavo kukurudzira vakawanda kuti vatange tsika yekuverenga mabhuku.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG