Accessibility links

Breaking News

ZRP Yotenda Kuti Haina Mari yeZvirongwa Zvekumisa Kubiwa kweMombe kuBotswana


Vagari vemumusha weMabolwe kuBotswana, uyo uri pedyo nemuganhu neZimbabwe vari kupomera mapurisa eZRP mhosva yekutadza kupedza dambudziko rekubiwa kwezvipfuyo zvavo nevanhu vanofungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

Izvi zvabuda pamusangano vaitirwa mumusha uyu nhasi mangwanani pakati pevagari nevakuru wemapurisa eBotswana neZimbabwe, VaPhemelo Ramakorwane naVaGodwin Matanga.

Kanzura weMabolwe, VaDoctor Makwati vanoti hapana chiri kuitwa nemapurisa eZimbabwe maringe nekupedza humbavha hwezvipfuyo munzvimbo iyi kunyangwe hazvo nyika mbiri idzi dzakabvumirana kuita izvi pamusangano wechikamu chechitatu weZimbabwe-Botswana Bi-National Commission uyo vakaitirwa kuVictoria Falls munaKukadzi wegore rino.

Nyika mbiri idzi dzakabvumirana pamusangano uyu kuti kurwisa kuparwa kwemhosva dzakaita sehumbavha, kupinda mune imwe nyika pamwe nekuvhima zvisiri pamutemo ndezvimwe zvezvinhu zvinoda kugadziriswa nechimbichimbi.

VaRamakorwane vanoti mapurisa eBotswana aita zvese zvakabvumiranwa kusanganisira kuumbwa kwechikwata chiri kubatsirana nemapurisa pamwe chete nemasoja enyika iyi mukurwisana nehumbavha pamuganhu wenyika mbiri idzi vachiti chitsvambe chava kuZimbabwe.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaMatangavati shuviro yavo kuitawo zviri kuitwa nemapurisa emuBotswana, asi kushaikwa kwezvikwanisiro ndiko kuri kuvadzosera shure.

Vaenderera mberi vachiti mapurisa eZimbabwe achadzika misasa kana kuti base camps pamuganho neBotswana kuitira kuti varwisane nehumbavha hwezvipfuyo huri kuitika.

Asi nyanzvi munyaya dzemari uye vari mudzidzisi wezvehupfumi pachikoro cheGaborone University College of Law and Professional Studies, VaTatenda Sherekete vanoti muromo hauzarirwi nerwizi nokuti hurumende haina mari.

Bepanhau reHerald rinoti pane mamwe mapurisa eZRP aishanda nevaiba mombe zvakapa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaumbe chikwata chemakurukota chinoongorora nyaya iyi. Mamwe mapurisa akatobviswa kumuganhu wenyika neBotswana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG