Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopomerwa Mhosva yeKubata Chibharo Asi VaCharamba Vachiti Inyaya Isina Maturo Ose


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutauriri wavo VaGeorge Charamba
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutauriri wavo VaGeorge Charamba

Pane mashoko ekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaendeswa kumatare kuAustralia naMuzvare Susan Mutami avo vari kuvapomera mhosva yekuvabata chibharo kwemakore akawanda kubva vaine makore gumi nemashanu. Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vati inyaya dzemakuhwa.

Muzvare Mutami avo vane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa vanonzi vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa emuguta reQueensland kuAustralia. Vanonzi vaudza mapurisa kuti VaMnangagwa vakavabata chibharo kwemakore akawanda kubva vaine makore gumi nemashanu.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naMuzvare Mutami asi zvinonzi vaudza mapurisa kuti VaMnangagwa vakavatevera mushure mekusangana navo pamakwikwi ezvikoro muna 2003 pavaive vachiri kuita Form 2. Vanoti vakazotanga kugara nemhuri yaVaMnangagwa mushure mekufa kwababa vavo. Muzvare Mutami vari kutaura nezvenyaya idzi pamadandemutande akaita seTwitter.

Vachipindura mashoko aya pavabatwa neStudio 7, mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vati havanei nezvinhu zvavati zvakapusa

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko pamuzinda weAustralia uri muHarare, VaFrancis Rwodzi vaudza Studio7 kuti vaita mutete panyaya iyi.

Vaenderera havazivi kuti mumiriri weAustralia muZimbabwe, Amai Bronte Moules, avo vari pamazuva ekuzorora pari zvino, vangati chii panyaya iyi.

Nyanzwi munyaya dzemitemo uye vari gweta rakazvimirira muJohanesburg South Africa, Doctor Vusimuzi Sibanda vanoti nyaya ya Muzvare Mutami inoti netsei.

Vaenderera mberi vachiti chingabatsira Muzvare Mutami kuti VaMnangagwa vabviswe pachigaro neparamende kana kuti impeachment izvo zvavati zvinoti netsei muZimbabwe.

Asi vati sangano reUnited Nations rinogona kukumbirwa kuti ripindire munyaya iyi sezvo vari kuti vakabatwa chibharo vachiri mudiki uye kwenguva refu.

Australia yakatemera VaMnangagwa zvirango uye havatenderwi kurnda kunyika iyi. Zimbabwe hainawo chibvumirano chekuchinjana vasungwa neAustralia zvinopa kuti nyaya iyi iti netsei kuti vatongerwe mhosva yavari kupomerwa.

MuZimbabwe munhu anobatwa nemhosva yekubata mwana mudiki chibharo anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore gumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG