Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa ari muBoka reDzidzo Otuma Vamwe Vabereki Kujambisa Vana Vavo Mabhodha Kutsvaka Dzidzo Yakagadzikana


Vana vechikoro vakawanda havasi kudzidza nekuda kwekunetsana kuripo pakati pehurumende nevarairidzi.
Vana vechikoro vakawanda havasi kudzidza nekuda kwekunetsana kuripo pakati pehurumende nevarairidzi.

Kusapera kwemakakatanwa ari muboka redzidzo kwave kupa kuti vamwe vabereki vaburitse vana vavo munyika vakananga kunyika dzakapoteredza Zimbabwe dzinosanganisira Botswana, South Africa, Zambia nedzimwewo nokuda kwenjake njake yoramba yakapfunya chisero muzvikoro.

Gakava riri pakati pehurumende nevararidzi, avo vari kupika kuti havasi kuzodzokera kubasa nekuda kwemihoro iri pasi, roita kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo muzvikoro.

Izvi ndizvo zvakaita kuti mumwe mubereki anoshandira muguta reFrancistown muBotswana, Amai Emilia Dzokonya, vajambise mwana vavo bhodha ndookunomutsvagira chikoro chepasi pemuti munyika iyi.

Shuviro yekuti mwana vavo asashandise nzira dzemusango kana achipinda nokubunda muBotswana iripo asi Amai Dzokonya vaudza Studio7 kuti kusabuda kwemapasipoti ndiko kwakaita kuti vajambise mwana bhodha.

Kunyangwe hazvo chikoro chava kupindwa nemwana vavo chisina kunyoreswa zviri pamutemo, Amai Dzokonya vanoti chikoro ichi chine hurongwa nechimwe chikoro chehurumende hwekuti vana vanodzidza pachikoro ichi vanonyorera mazamanisheni avo pachikoro chehurumende ichi.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ muchidimbu, Doctor Takavafira Zhou, vanoti huwandu hwevana muzvikoro huri kudzikira nezvikamu gumi nezvitatu zvine zviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 13.5 percent, gore negore kubva muna2019.

Doctor Zhou vaenderera mberi vachiti vabereki vari kuendesa vana vavo kunyika dzakatenderedza Zimbabwe senzira yekutsvagira vana vavo dzidzo iri nani nokuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Gurukota rinoona nezve dzidzo muBotswana, VaFidelis Molao vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende yenyika iyi inoziva kuti kune vana vari kudzidzisirwa mudzimba zvisiri pamutemo ruzhinji rwavo rwuri vabvakure, kunyanya zvizvarwa zveZimbabwe.

Asi vaenderera mberi vachiti hurumende yeBotswana haisi kuzokurumidza kumedza kutsenga ichada ichizokuvhara zvikoro izvi nokuti zviri kuita basa guru rekuderedza huwandu hwevana muzvikoro zveveruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo uye vari muvridzi wechikoro che Try Again Academy, icho chiri muguta reGaborone muBotswana, VaTrymore Matiza, vanoti vana vanodzidzisirwa mudzimba vanobata zvakapetwa kaviri kana zvichiyenzaniswa nevana vanodzidziswa vari vazhinji muzvikoro.

Hurumende yakatarisana nedambudziko rekurasikirwa nevarairidzi zviuru zana nemakumi matatu nezvishanu kana kuti 135 000, avo vanonzi vakachamiswa mabasa kana vakasadzoka pabasa svondo rinouya, kunyange hazvo Zimbabwe ichida vamwe varairidzi zviuru makumi mashanu nezvishanu kana kuti 55 000 pamusoro kuti zvikoro zvese zvinodarika zviuru zvipfumbamwe munyika zvive nevarairidzi vakakwana.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG