Accessibility links

Breaking News

Botswana Yobvumidza Vanhu Vakabayiwa Nhomba yeCovid-19 Kaviri Kupinda muNyika Iyi Vasina Tsamba yePCR


Mutungamkiri wenyika yeBotswana, VaMokgweetsi Masisi
Mutungamkiri wenyika yeBotswana, VaMokgweetsi Masisi

Botswana yaita nyika yekutanga kuchamhembe kweAfrica kutendera vanhu vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kaviri kupinda munyika iyi vasina tsamba yekuti vakavhenekwa hutachiona uhu zvakare kana kuti PCR Test.

Gurukota rezvehutano muBotswana VaEdwin Dikoloti vakaudza nhepfenyuro yenyika iyi nemusi weChishanu manheru kuti munhu ave kungokwanisa kuratidza tsamba yekuti akabaiwa kana kuti Covid-19 Certificate pamuganhu wenyika kana kuti anokwanisa kubayiwa ipapo sezvo nyika iyi iine nhomba mamiriyoni matatu dzaisati yashandisha.

Zvizvarwa zveZimbabwe, kunyanya izvo zvinorarama nekutenga nekutengesa zvinhu zviri kutambira nemufaro hurongwa uhu zvichiti nyaya yekumanikidzwa kuvhenekwa kana kuti maPCR Test yange yovapedzera mari sezvo zvichidhura.

Amai Florence Manzungu, vanoita zvekutenga nekutengesa vari muguta reGaborone muBotswana vanotiwo vange vanzwa nekunon’onwa mhino pese pavaida kunotora zvekutengesa kuZimbabwe neZambia vachiti mari dzanga dzopererawo kukuvhenekerwa denda iri.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nechamuka inyama muguta reFrancistown VaThomas Marimbe vanoti dai Zimbabwe yatoravo danho ratorwa neBotswana.

Mutungamiri wesangano reZimbabe International Cross Border Traders Association, VaDennis Juru vaudza Studio7 parunhare vari muJohannesburg, South Africa kuti matanho ari kutorwa neBotswana akanaka chose asi haarevi chinhu kana hurumende yarerutsa zvimwe zvinoita kuti kufamba kuve nyore.

Mashoko aVaJuru atsinhirwa nechimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reGaborone, VaInnocent Saidi avo vanoti Zimbabwe inofanira kuva pamberi mukunyewenutsa zvinhu nokuti inyika iri kuda vanhu vakapinda munyika kuti vaunze mari iri kunetsa munyika.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano hweruzhinji inoshanda yakazvimirira muguta reMasunga muBotswana, VaSiyabonga Khuzwayo vanoti dai vanhu vachitevera mitemo yakatarwa maringe nekudzivirira COVID-19, dai nyika zhinji dzanyewenutsa nyaya dzekufamba.

Botswana, iyo ine vanhu vangangosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu chete, iri pakati penyika shoma dzemuAfrica yose dzine vanhu vanodarika zvikamu makumi manomwe nematatu kubva muzana vabaiwa nhomba dzose dzeCOVID-19.

Morroco ine vanhu vabayiwa nhomba mbiri vanodarika zvikamu makumi matanhatu nezviviri kubva muzana kana kuti 62, 9% ndiyo ine vanhu vakawandisa vabayiwa nhomba muAfrica. Zimbabwe ine zvikamu makumi maviri nezviviri zvabayiwa nhomba mbiri.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG