Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeBotswana Inobvuma Kuti mari dzeKubhadhara muMabhazi Dzikwidzwe neZvikamu Gumi neZvishanu Kubva muZana


Vemabhazi nemichovha vanonzi vakanga varamwa mabasa kwemazuva matatu vachida kuti mari dziwedzerwe.
Vemabhazi nemichovha vanonzi vakanga varamwa mabasa kwemazuva matatu vachida kuti mari dziwedzerwe.

Hurumende yeBotswana yamanikidzwa kutambira kurudziro yevatyairi vemabhazi nedzimotokari zvinotakura veruzhinji ndokuwedzera mari dzekufambisa nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana, kana kuti 15 percent, danho rinozni nevamwe richawedzera mutoro kuvafambi avo vagara vakaremerwa kare.

Zvichitevera kuramwa mabasa kwevatyairi vezvifambiso zvevoruzhinji kwemazuva matatu uko kwakatanga neChipiri svondo rino, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu nemabasa everuzhinji muBotswana, VaEric Molale, vakazivisa nezuro manheru kuti mari dzekutakura veruzhinji dzakwira nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kutanga nhasi.

Rwendo rwairipirwa maPula matanhatu rwave kubhadharirwa maPula manomwe, kotiwo rwairipirwa maPula manomwe rwave kuda maPula masere uye kubva muGaborone kuenda kuHarare kwave kuda kuti munhu abhadhare maPula mazana mana nemakumi masere, kubva pamaPula mazana mana nemasere.

Kuwedzerwa kwemari dzekutakura veruzhinji kunotevera kukwidzwa kwemafuta edzimotokari nebazi rinoona nezvemhando dzemoto munyika iyi reBotswana Energy Regulatory Authority kana kuti BERA muchidimbu.

Muzvare Lainah Marufu, avo vanove mushandi wemumba muguta reGaborone vanoti kukwira kutsva uku kuri kuwedzera kuoma kwehupenyu hwevanhu kunyanya vabva kure.

Nokuda kwemari dzemihoro dzisiri kuwedzerwa vashandi, Muzvare Marufu vaenderera mberi vachiti vamwe vachapedzisira voita zvekutengesa miviri yavo kuitira kuti vakwanise kurarama munyika yevatorwa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoraramawo nechamuka inyama, Amai Petronella Mupfure, vaudza Studio 7 parunhare vari muGaborone kuti vazhinji vacharovera muBotswana nokuda kwekudhura kwemabhazi..

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda vakazvimirira muguta reGaborone, VaWilbert Mutoko, vanoti yasvika nguva yekuti vanhu vatsvage mabhidhauko avangaite padivi kotiwo vanoshanda vawedzere mironga yavanowana nayo mari.

Vaenderera mberi vachiti pfungwa yekudzoka kumusha ipfungwa yakanaka chaizvo asi inoda munhu aita hurongwa hwakadzama hwekuti anosvika achitangira papi.

Vazhinji vakatiza mamiriro ezvehupfumi munyika ayo ava nemakore ari manyama amire nerongo vachiti vari kutsvaga mafuro manyoro munyika dzakatenderedza Zimbabwe.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG