Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaMasisi Vanopeta Musangano weBi-National Commission Vachinyorerana Zvimwe Zvibvumirano


Zimbabwe Independence Celebrations

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vaudza musangano weZimbabwe-Botswana Bi-National Commission, uyo uchangopera muguta reVictoria Falls, kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakafanira kupinda munyika iyi nyore kuzoita zvemabhizinesi.

VaMasisi vataura mashoko aya nhasi vachivhara musangano weZimbabwe-Botswana Bi-National Commission wechitatu uyo wakatanga neMuvhuro svondo rino.

Kutaridza kuti Zimbabwe neBotswana ishamwari dzemandorokwati, VaMasisi vavimbisa kuti nyika yavo ichaenderera mberi ichibatsira Zimbabwe kuti ibve mumadhaka mairi vachiti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.

Vaenderera mberi vachiti chinorwadza mwana weZimbabwe chinorwadzawo vagari veBotswana nokuti nyika mbiri idzi dzakabvira kare dzichidyidzana kubva munguva yehondo.

Vachitaura pakuvharwa kwemusngano mumwe chetewo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vatenda Botswana nekuramba yakamira semusambangwena mukukurudzira kubviswa kwezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende nemamwe makambani.

Vachitaura pamusangano wechimakumi manomwe nenhanhatu weUnited Nations General Assembly muNew York gore rakapera, VaMasisi vakati zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende nemamwe makambani zvakafanira kubviswa.

Mutungamiri weZimbabwe International Cross Border Traders Association, VaDennis Juru vati mashoko aVaMasisi anofadza kwazvo nokuti vanotenga nekutengesa vanogara vachioneswa moto pamabhodha.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reFrancistown muBotswana, VaThomas Musengwa vaudza Studio7 kuti kusashungurudzwa kwevanhu pamabhodha kuchaita kuti vanhu vasashandise nzira dzemusango.

Nyanzvi munyaya dzemabhizinesi uye vari mudzidzisi wezvemabhizinesi paBotswana Accountancy College, VaTarisai Musemwa vati zviri kutaurwa izvi zvikazadzikiswa, kutenga nekutengeserana pakati penyika mbiri idzi kuchakura zvakapetwa.

Zvichakadaro, Zimbabwe neBotswana dzapeta musangano uyu nekusainirana zvibvumirano gumi pamusoro pezvimwe makumi maviri zvadzakanyorerana pamusangano vakaitwa muna2020.

Zvimwe zvezvibvumirano zvaisainiranwa izvi zvinosanganisira kuchengetedzwa kwevana, kushandidzana mune zvekushanya, kurima nekupfuya, kuwandudza budiriro yevechidiki nezvimwe zvakadaro.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG