Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanobatsira Vakoti Vari Kubva kuZimbabwe Vobatwa seNhapwa kuBritain


Bepanhau rekuBritain reTelegraph rinoti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zvichibatsira vakoti kana kuti nurse aides kaa caregivers zviri kubatwa senhapwa zvichibatirwa mari yakawanda nevanenge vava batsira kutsvaga basa. S

Bazi rinoona nezvehutano muBritain reDepartment of Health and Social Care kana kuti DHSC rakaudza bepanhau reTelegraph kuti rinoferefeta nyaya idzi kana paine vanenge vamhan’ara sezvo richikoshesa kodzero dzevashandi. Bazi iri kunyangwe richinzi rine masimba mashoma panyaya iyi rakambomisa kutyorwa kwekodzero dzevashandi uku nevamwe vekuAsi nekumawirira kweEurope.

Munyori mukuru mubazi revashandi muZimbabwe VaSimon Masanga vaudzawo Studio7 kuti hurumende iri mubishi kutsvaga nzira dzekuva nechokwadi kuti kodzero dzevanoenda kune dzimwe nyika ava

Zvinonzi vamwe vanhu vane makambani ari kutora vanobatsira vakoti ava anoti vari kutambiriswa mari shomashoma pane inotarisirwa kuti munhu ararame muBritain inova mapaunzi mapfumbamwe nemasendi makumi mashanu kana kuti 9.50 pounds. Mari inodarika zvikamu zvishanu kubva muzana inonzi inotorwa nevari kupinza vanhu mabsa ava basa.

Asi izvi hazvisi kumisa zvizvarwa zveZimbabwe kutsvaga mabasa aya sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika. Vakawanda vari kuenda kuzvikoro zvatekeshera munyika zviri kudzidzisa vanhu zvekubatsira vakoti kana kuti nurse aids.

Zvikoro izvi zviri kuramba hazvo kuti zviri kuitawo mabasa ekusveta simba vana veZimbabwe zvichiti zvinongodzidzisa uye zvinenge zvave kumudzidzi kushanda munyika kana kunze.

Zvikoro zvakanyoreswa zviri pamutemo zvakaita seAngel Care Home, Ocean Bird Nurse Aide Training Centre neOne Africa Trust zviri kubhadharisa mari iri pakati pezana nemazana maviri emadhora ekuAmerica kuti munhu awane chitambi ichi.

Vakatanga chikoro cheOne Africa Trust, VaTapiwa Mukombe vaudza Studio7 parunhare vari muHarare kuti pane vadzidzi vavo vakawanda vakaenda kuBritain.

Izvi zvatsinhirwa naVaGanizani Phiri vakavamba chikoro cheOcean Bird Foundation International avo vatenda vati vanhu vakawanda vari kunyoresa kuti vaite zvidzidzo izvi.

Zvikoro izvi hazvisi muZimbabwe chete asi muno muBotswana mune zvimwe zvinosanganisira cheHarle Community Education and Development Trust chakavambwa naAmai Vimbai Mhute muGaborone.

Pane mashoko akabudawo mubepanhau reMasvingo Mirror ekuti pane mumwe musangano, sangano rinobatsira munyaya dzekufamba kwevanhu kuenda kune dzimwe nyika kusanganisira kuBritain reInternational Organization for Migration kana kuti IOM, rakati pazuva kune vanhu mazana maviri nemakumi matanhatu vanovanyorera kuti vavhenekwe chirwere cherurindi kana kuti TB Test kuti vawane mapepa ekuenda kuBritain.

Mukuru wesangano iri Amai Fadzai Penny Nyamande vati havana kusungunuka kutaura kuti vanobatsira vanhu vangani.

Nyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu munyika nekufamba kwevanhu uye vakamboshanda nerimwe sangano raitsvagira vanhu mabasa kuBritain, VaOaitse Lekgetho vati vanoda kunoshanda kunze kwenyika vanofanira kutanga vaita tsvakurudzo yakasimba nekuti vanogona kuzvikanda mukanwa mamupere.

Sangano reNational Health Service muBritain rinori munyika iyi muri kudiwa vashandi vezvehutano vanodaika zviuru zana negumi zvine zana nemakumi mapfumbamwe kana kuti 110, 192.

Pavahandi ava pari kudiwa vakoti vanoda kusvika zviuru makumi mana kana kuti 40, 000.

Izvi zvinonzi zvichapa kuti Zimbabwe inova yave kutorwa vashandi vakawanda munyaya dzezvehutamo irasikirwe nevakoti nevamwe vashandi vemuzvipatara. Izvi zviri kutarisirwa kupa kuti zvinhu zvibva zvanyanyoita manyama amire nerongo munyika.

Zvipatara zvakawanda zvemakanzuru zviri kuvharwa sezvo vakoti vakawanda vari kuenda kunze kwenyika kunotsvaga mauro manyoro. Gore rapera vashandi vemuzvipatara zviuru zviviri nemazana maviri vakasiya basa muZimbabwe vakawanda vachienda kunze kwenyika.

Vashandi vemuzvipatara vari kugunun'una nekutambiriswa mari shoma uye vachitiwo muzvipatara hamuna mushonga nemichina yekubatsira varwere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG