Accessibility links

Breaking News

Vana vekuZimbabwe Voenda Kunoshanda kuBotswana Zvisiri paMutemo neKuoma kweHupenyu


Botswana inoti gore rapera yakanunura vana vadiki vekuZimbabwe mazana maviri nemakumi mashanu vaishanda mumapurazi sevafudzi vemombe nemudzimba.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yekuoma kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe yave kumanikidza kuti vamwe vabereki vamanikidze vana kusiira chikoro panzira vachienda kunyika dzakapoteredza kunotsvaga mafuro manyoro kuBotswana neSouth Africa.

Asi nokuda kwekuti mutemo haubvumidze vana vane makore ari pasi pegumi nemasere kushanda munyika iyi, Botswana yakanunura vamwe vavo ndokuvadzosera kumusha gore rapera.

Gurukota renharaunda nebudiriro yekumaruwa muBotswana, VaKgotla Autlwetse vataura izvi pamusangano wavaita nevarimi pamwe nevanopfuya mombe muguta reFrancistown nhasi.

Vatiwo kushandisa vana vadiki kuvambunyikidza zvinokanganisa hutano nepfungwa dzavo.

Vachitsinhira mashoko aVaAutlwetse, mutauriri wemapurisa muBotswana, VaDipheko Mothube vanoti vamwe vevana ava vane makore ari pakati pemakore mapfumbamwe negumi nemashanu vakadzoswa kumusha asi vamwe vanoramba vachidzokera kunyika iyi kuzotsvaga mabasa.

VaMothube vanoti zvinoda kuti ruzhinji rwuite muonera pamwe chuma chemuzukuru nehurumende kuburikidza nemapazi anoona nezvekuchengetedzwa kwemitemo kuitira kuti vana vasa batwe senhapwa.

Nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevana uye vari gweta rakazvimirira muGaborone, VaTarisai Mangezi vanoti Botswana yakasimbisa chibvumirano che182 cheILO cheWorst Forms of Child Labor Convention muna 2000 chinorambidza kushandiswa kwevana.

Mapazi eUnited Nations anoti reILO neUNICERF anoti pasi rose vana mamiriyoni zana nemakumi matanhatu kana kuti 160 million vari kumanikidzwa kushanda zvisiri pamutemo.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG