Vanachiremba vopinda muzuva repiri vachiramwa mabasa zvopa kuti hupenyu hwevarwere hupinde munjodzi.
Mutumbi wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaGeorge Herbert Walker Bush uri kurara mudare reparamende reAmerica kana kuti Capitol Hill muWashington DC kuti vanhu vauye kuzoonekana navo.
Vanachiremba vokanda mapadza pasi munyika yese vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambira uye mamiriro akaita zvinhu muzvipatara.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voparura hurongwa hwekuvakwa kweparamende itsva kuMt Hampden nemari iri kubva kuhurumende yeChina.
Zviru nezviuru zvevanhu zvinouya pamusangano weMDC muHarare zvichiratidzira kusafara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Vanhu vatatu vanonzi vafa nechirwere checholera panzvimbo inokorokozwa goridge yeMukaradzi kuMt Darwin uye vamwe makumi masere nevapfumbamwe vanonzi vari muchipatara parizvino.
MDC yoita musangano nevatori venhau muHarare ichikurudzira vanhu kuti varatidzire mangwana nekusafara nemamiriro akaita zvinhu.
Vaimbova gurukota rezvemukati menyika VaObert Mpofu vopa huchapupu kukomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora nyaya yekupfurwa kwevanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu muHarare vatanhatu kana kudarika vachirasikirwa nehupenyu.
Vanhu vanosvika vashanu vanofungirwa kuti vafa apo ndege yavange vachifamba nayo yadonhera mugomo re Chemanjerenjere pedo nemugodhi weRenco Mine kuMasvingo South.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube voparura bhajeti ravo rekutanga asi muparamende muchiita mhirizhonga apo nhengo dzeMDC dzichimanikidzwa kubuda mudare nemapurisa dzichinzi dzaramba kusimuka semunongedzo wekuremekedza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Komisheni iri kuongorora mhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu pakapfurwa vanhu vatanhatu yotanga kunzwa humbowo mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vachitumira gweta ravo.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nhasi vanyorera tsamba kukomisheni iri kuongorora kupfurwa kwevanhu nemauto iyo yakavadana kuti vanzwisise kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemumwe mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vachadanwawo here nezvimwe zvavanoda kunzwisisa.
Musi wa 19 Mudzi gore rapera, Central Committee yebato reZanu-PF yakagara musangano wechimbi chimbi ikati sebato yainge yodzora vaive mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe kuti vasave mumiriri webato iri vachitungamira hurumende.
ZIMRA inoti vanhu vari kutengesa zvinhu nemari yekuAmerica vanofanira kubhadharawo mutero nedhora rekuAmerica kwete nemaRTGS kana mabond notes.
Vanhu makumi mana nevaviri vakafa munjodzi yemumugwagwa pedyo neWest Nicholson, kuGwanda mushure mekunge bhazi rekwaBrooklyn Express rabatira moto.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvinoita basa rekuchengetedza mhuka zvonyimwa mavhiza ekupinda muBritain kuti zvinopihwa mubayiro nesangano reZimbabwe International Womens Awards.
Crisis in Zimbabwe Coalition yoshora mauto nekuramba kuti ndiwo akapfura vanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu muHarare.
Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vanoti mutungamiri weMDC VaNelsonChamisa vanogona kusungwa chero nguva nenyaya yemhirizhonga yakaitika muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu.
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinofora muHarare richinopa zvinyunyuto zvaro kumapazi ehurumende richiti rinoda kubhadharwa mihoro nemari yekunze sezvo ma bond notes asina zvaari kutenga.
Nyaya yekushandiswa kwema bond notes munyika yotsviriridza pamusangano wekuzeya bhajeti renyika regore rinouya uri kuitirwa muBulawayo dzimwe nhengo dzeparamende dzichiti kushandiswa kwema bond notes aya kunofanirwa kumiswa zvachose nekukasika.
Rodhai zvimwe