Nyaya yekushandiswa kwema bond notes munyika yotsviriridza pamusangano wekuzeya bhajeti renyika regore rinouya uri kuitirwa muBulawayo dzimwe nhengo dzeparamende dzichiti kushandiswa kwema bond notes aya kunofanirwa kumiswa zvachose nekukasika.
Masangano emuAmerica akaongorora sarudzo muZimbabwe, anoti International Republican Institute ne National Democratic Institute, ozeya ongororo yakaitwa nekurudziro yesangano re Zimbabwe International Election Observation Mission.
Sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe roramwa kupinda muzvikoro kwemazuva maviri atanga nhasi richiti hurumende haisi kugadzirisa zvichemo zvevarairidzi vekumaruwa.
Kuratidzira kweZimbabwe Congress of Trade Unions koenderera mberi mangwana
Hurumende yotumira chikwata chevanhu vakawanda kuLondon kunokwezva vashanyi kuti vashanyire Zimbabwe, veruzhinji vachiti hurongwa hwakadai haudi vanhu vakawanda sezvo zvichidya mari yakawanda
Studio7 inoita hurukuro nevagari vekuChipinge muhurongwa hwapindwa nevanhu vakawanda zvikuru.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwebhajeti huri kukurukurwa kuBulawayo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum