Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 12, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 12, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vanoti mutungamiri weMDC VaNelsonChamisa vanogona kusungwa chero nguva nenyaya yemhirizhonga yakaitika muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vodzika mutemo wemwedzi mitanhatu unopa kuti vanotengesa mari mumigwagwa vakandwe mujeri kwemakore gumi.

VaTendai Biti vomiswa pamberi pedare vachikumbira kuti muchuchusi wenyaya iyi abviswe nekuti anorerekera rimwe divi.

Mapurisa oferefeta nyaya yekuti VaNelson Chamisa vaida kuitwa kafiramberi.

Mapurisa nemauto opa humbowo kukomisheni iri kuongorora kupfurwa kwakatwa vanhu vatanhatu nemauto muguta reHarare musi wa1 Nyamavhuvhu. Mapurisa anotenda kuti ndiwo akashevedza mauto.

Vanachiremba voyambira vanhu kuti vangwarire hutano hwavo nenyaya yekupisisa kwezuva.

Dare reparamende rozeya nyaya yematambudziko akasangana nekambani yemarasha yeHwange kwakadomwa mukuru mutsva kana kuti administratot negurukota rezvemitemo zviri kunzi nevamwe hazvisi pamutemo.

Triangle inoti yavimbiswa nevanoitsigira kuti vachapihwa mari yekutamba mumakwikwi eCAF Confederation Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekuongororwa kwekupfurwa kwevanhu nemauto muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu mapurisa achiti anogona kusunga VaNelson Chamisa chero nguva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG