Komisheni iri kuongorora mhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu pakapfurwa vanhu vatanhatu yotanga kunzwa humbowo mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vachitumira gweta ravo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvonyunyuta nedanho rehurumende yeSouth Africa rekuda kuramba kupa magwaro ekuzvarwa kuvana vane vabereki vasiri zvizvazvarwa zvenyika iyi.
Studio 7 yakabatana neMedia Centre yoita hurukuro kuCrowne Plaza muHarare kuzeya mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko. Pane zvachinja here? Hurukuro iyi inotanga nenguva dza half past 6 manheru ichipera nahalf past 8 manheru.
Vedzimotokari vanoti mafuta ekufambisa dzimotokari ave kunetsa kuwana kune dzimwe nzvimbo.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nicols vanoti vane chido chekubatsira vanhu vemuZimbabwe mune mabasa avari kuita.
Munhau dzemitambo, chikwata cheFC Platinum chotamba neHighlanders mumakwikwi eCastle Premier Soccer League.
Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum na8 pm nhasi tiri kutarisa nyaya yehurumende yeSouth Africa yekuda kuvandudza bumbiro remutemo kuti isape magwaro ekuzvarwa kana mabirth certificates kuvana vane vabereki vasiri zvizvazvarwa zvenyika iyi
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave
Facebook Forum