Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau dzanhasi, Chipiri, Mbudzi, 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yenhau dzanhasi, Chipiri, Mbudzi, 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova gurukota rezvemukati menyika VaObert Mpofu vopa huchapupu kukomisheni yaVaKgalema Motlanthe iri kuongorora nyaya yekupfurwa kwevanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu muHarare vatanhatu kana kudarika vachirasikirwa nehupenyu.

MDC yoramba kuti yakadzinga mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaElias Mudzuri mushure mekunge vaenda kumusangano wedare reparamende kuState House.

Bato reMDC ropomera vechidiki ve Zanu-PF mhosva yekuda kukanganisa kuratidzira kwarakaronga nemusi weChina.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights Inoti inoda kuti dare repamusoro reHigh Court rikurudzire makambani enharembozha kuti ari batsire kutsvaga Retired Lieutenant Colonel Elliot Piki.

Hurumende nesangano reWorld Food Programme vaburitsa mashoko ekuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri vanoda ruyamuro gore rinouya rwemari inosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe nerimwe.

Reserve Bank of Zimbabwe rotatarika kubhadhara makambani akawanda mari dzavo apo hurumende yoramba ichinyura muzvikwereti.

Muchirongwa cheLiveTalk-The Connection nhasi 8 pm, tiri kutarisa kucherechedzwa kwemazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzemwanasikana nemadzimai.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG