Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviviri Zvonyimwa Mavhiza eKunotora Mubayiro kuBritain


Zimbabwe Female Anti Poachers ZIWA
Zimbabwe Female Anti Poachers ZIWA

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvinoita basa rekuchengetedza mhuka zvakanyimwa mavhiza ekupinda muBritain kuti zvinopihwa mubayiro nesangano reZimbabwe International Womens Awards.

Muzvare Nyaradzo Hoto naMuzvare Petronella Chigumbura vakanyimwa mavhiza vachinzi vaizogona kutadza kudzokera kuZimbabwe.

Zimbabwe ZIWA
Zimbabwe ZIWA

Vaviri ava vanoshanda vari kuLower Zambezi Valley uye vanonzi vakabatsira mukusungwa kwevanhu vanovhima vasina mvumo vanosvika makumi manomwe nemanomwe pasina kana kushandisa bara rimwe repfuti.

Sangano re ZIWA rinoti rakakatyamadzwa nekunyimwa kwemavhiza kwemadzimai maviri aya sezvo pakange pane tsamba nehumbowo hwakasimba hwairatidza kuti vaizodzoka kumusha sezvo vane mhuri nemabasa.

Mutungamiri wesangano reZIWA Amai Juliana Jonathan vanoti parizvino vakatonyorera hurumende yeBritain kuti vanzwe kuti seyi madzimai aya akanyimwa magwaro ekufambisa.

Amai Jonathan vanoti vanoita mabiko aya ekuremekedza madzimai anobva kuZimbabwe gore rega rega vanenge vaita mabasa anonwisa mvura uye homwe yavo ivo semutungamiri wesangano iri ndiyo yakange ichazopa madzimai aya mukombe wavo wegore rino.

"Ndiri kushushikana zvikuru sezvo ini semutungamiri wesangano reZIWA ndakange ndakatarisira kuti madzimai ava vawanewo mukana wekuuya vachiremekedzwa kuno kuBritain pamabiko akaitwa kutanga kwegore rino asi zvisineyi mubairo wavo wakatambirwa nevamwe vange vakavamirira asi shuwiro yedu ndeyekuti izvi zvisaitike zvakare," Amai Jonathan vaudza nepfenyuro yeVOA Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG