Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chipiri 4, Zvita 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yenhau, Chipiri 4, Zvita 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanachiremba vopinda muzuva repiri vachiramwa mabasa zvopa kuti hupenyu hwevarwere hupinde munjodzi.

National Foods inoti ichavhara makambani ekugaya hupfu negorosi muHarare neBulawayo nenyaya yekushaya mari yekutenga zvikwanisiro.

Kanzuru yekwaMutare yotenga motokari dzekutakura marara.

Vakarwa hondo yerusununguko voshorwa nekuda kuvandudza bumbiro remutemo kuti vechidiki vari pasi pemakore makumi mashanu vasakwikwidze.

America yoenderera mberi nekuchema vaive mutungamiri wenyika iyi VaGeorge HW Bush.

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na8 pm nhasi, tiri kutarisa danho revamwe vakarwa hondo rekuda kuvandudza bumbiro remutemo kuti vane makore ari pasi pemakumi mashanu nemaviri vasakwikwidze musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG