Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinofora muHarare richinopa zvinyunyuto zvaro kumapazi ehurumende richiti rinoda kubhadharwa mihoro nemari yekunze sezvo ma bond notes asina zvaari kutenga.
Kanzuru yeHarare yotanga hurongwa hwekuchenesa guta neMuvhuro uhwo huchange huchiitwa Chishanu chekupedzisira pamwedzi wega veruzhinji, makambani nemamwe masangano vachibatana mukuchenesa guta.
Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti mari yeRTGS inosvika mabhiriyoni gumi emadhora iri kutenderera munyika haina rutsigiro rwemari chaiyo.
Vagari vekuChipinge vanoti vanhu vavakasarudza kuti vavamiririre havasi kuita basa ravo nemazvo
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvichemo zvevarairidzi takatarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum