Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 16, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 16, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu makumi mana nevaviri vakafa munjodzi yemumugwagwa pedyo neWest Nicholson, kuGwanda mushure mekunge bhazi rekwaBrooklyn Express rabatira moto.

Vamwe vemasangano akazvimiririra vonyunyuta kuti hurumende itsva iyo yave negore ichitonga iri kuramba ichimbunyikidza kodzero dzevanhu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voenda kuEthiopia kumusangano wevatungamiri venyika dzemuAfrica wekueyedza kuzvirumura kubva kune nyika dzakabudirira dzinopa rubatsiro.

Veruzhinji kwaMutoko kudunhu reMashonaland East vari kushora hurumende yakapinda panyanga zvichitevera kubviswa pachigaro kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera vachiti vave kutotambura zvakanyanya pasi pehurumende iyi.

MaWarriors eZimbabwe atarisana nerimwe tikiti rekuenda kumafainari e Africa Cup of Nations apo ari kutamba neLiberi musi weSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk-na8 pm nhasi tiri kutarisa nyaya yenjodzi mumigwagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG