Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chishanu, Mbudzi 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yenhau, Chishanu, Mbudzi 23, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vanosvika vashanu vanofungirwa kuti vafa apo ndege yavange vachifamba nayo yadonhera mugomo re Chemanjerenjere pedo nemugodhi weRenco Mine kuMasvingo South.

Bato rinopikisa reMDC roshora bhajeti rakaturwa negurukota rezvemari VaMthuli Ncube richiti harina zvariri kubatsira varombo.

Nyanzvi dzozeyawo maonero adzo panyaya yebhajeti dzichipa maonero akasiyana siyana.

Zvimwe zvitoro munyika zvaderedzawo mutengo yezvinhu zvakasiyana-siyana mukucherechedza zuva reBlack Friday inova tsika yekuderedza mitengo munyika yeAmerica semunongedzo wekutanga kwekutengeswa kwezvinhu zvekisimusi.

Munhau dzemitambo, makundano eCastle Lager Premier Soccer arikusvika kwamvura yacheka makumbo svondo rino asi pasina FC Platinum iyo yakatora mukombe wemwaka uno kare.

Muchirongwa cheLiveTalk nhasi tiri kutarisa hurukuro yakaitwa neStudio 7 yakabatana neMedia Centre muHarare nemusi weChitatu. Muchanzwa hurukuro iyi kubva na8 manheru semazuva ose kusvika na 9.30 manheru. Asi sezvo takabika chirongwa ichi, hamukwanise kutichaira runhare kwanhasi.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG