Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vanoti Zvishoma Zvashanduka Kubva Zvakabva VaMugabe


Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Musi wa 19 Mudzi gore rapera, Central Committee yebato reZanu-PF yakagara musangano wechimbi chimbi ikati sebato yainge yabuda nechisungo chekuti yainge yodzora vaive mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe kuti vasave mumiriri webato iri vachitungamira hurumende.

VaMugabe vakabva vapihwa kusvika nenguva dza12 masikati nemusi wa 20 Mbudzi kuti vange vaenda pamudyandigere.

Kubviswa kwaVaMugabe pachigaro kwakapa vamwe kuti vafunge kuti zvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi zvaizogadzikana. Asi vazhinji vanoti zvizhinji zvinoda kugadziriswa munyika sezvo zvizhinji zvakavimbiswa vanhu zvisati zvaitwa.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vaimbova mumwe wevakuru vevadzidzi paUniversity Of Zimbabwe VaPromise Sande vanoti veruzhinji varikushushikana nehuwori hwatekeshera munyika uye nekuwondomoka kwehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG