Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nhasi vanyorera tsamba kukomisheni iri kuongorora kupfurwa kwevanhu nemauto iyo yakavadana kuti vanzwisise kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemumwe mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vachadanwawo here nezvimwe zvavanoda kunzwisisa.
Vanhu vakawanda munyika vonetsekana nemoto iri kuramba ichibatira munzvimbo dzakasiyana sinaya ichikukuvadza vanhu vakawanda uye kuparadza midziyo.
Gurokota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vogadzirira kuparura bhajeti yavo yekutanga nemusi wechina. Tine hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi nemasangano anomiririra vashandi.
South Africa inoti yave kuda kudzika mutemo unomisa vana vane vabereki vasiri zvizvazvarwa zvenyika iyi kuti vasapihwe magwaro ekuzvarwa kana kuti mabirth certificate.
Muchirongwa cheLiveTalk-The Connection na8 pm nhasi tiri kutarisa nyaya yemamiriro ezvehupfumi nekuti vechidiki vari kuraramawo sei.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum