Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reCholera Rotekeshera muMt Darwin


Vanhu vatatu vanonzi vafa nechirwere checholera panzvimbo inokorokozwa goridge yeMukaradzi kuMt Darwin, Mashonaland Central uye vamwe makumi masere nevapfumbamwe vanonzi vari muchipatara parizvino.

Mukuru mukuchengetedzwa kwenharaunda mubazi rezvehutano vaVictor Nyamandi, vanoti bazi ravo ragadzira kamba panzvimbo iyi kuti vakwanise kupa rubatsiro kune avo vanenge vafungidzira kuti vabatwa necholera.

VaNyamandi vanoti nzvimbo yeMukaradzi iri kure nechipatara chiri muguta re Mt Darwin zvaita kuti vagadzire musasa panzvimbo iyi kuti varwere vawane rubatsiro.

"Tatanga kudzidzisa vagari vemunharaunda iyi kukosha kwakaita kuwana rubatsiro pachiri nenguva kuitira kuti vasaso ita dambudziko chirwere checholera ichi chakomba," VaNyamandi vaudza Studio7.

Chirwere checholera change chiri kunyanya kuwanikwa kunzvimbo dziri mumadhorobha akaita seHarare asi bazi rezvehutano rinoti ririkuyedza kuita zvese zvarinokwanisa kuti ribatsire vanenge vabatwa nedenda iri kwaMukaradzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG