Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri mushishi kunyorera kuhurumende kuti ione kuti vashandirwi vose munyika vatambirisa vashandi vavo mari dzavo dzemihoro nemari yekuAmerica, sezvo zvinhu zvose munyika zviri kutengeswa nemari yekunze iyi.
Mamwe masangano manomwe anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira veruzhinji pamwe nevemabhizimusi munyika yose kuti vasaenda kumabasa kana kuvhura mabhizimusi avo nemusi weMuvhuro svondo rinouya senzira yekuratidza kunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Nezuro pasi rose rakabatana mukucherechedza zuva remwanasikana, kana kuti International Day of the Girl Child.
Mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika nezveupfumi haachina kugadzikana izvo zvave kupa kuti vamwe vakurudzire kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nebato ravo reZanu PF vabvume kuti vakundikana kufambisa nyika.
Mutungamiri wesangano revanorarama nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders’ Association, VaDenis Juru vanoti vanhu vakawanda muSouth Africa vave kutumira zvinhu zvakaita sechikafu nemari kumusha vachishandisa vemabhazi nevemichovha.
Vagari vemuHarare vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nekanzuru yavo zvekuvavharira mvura kana vachinge vatadza kubhadhara zvikwereti kukanzuru iyi.
Vechidiki vebato riri kutonga reZanu PF vanoti vari kupa vanotengesa mari pamisika mitema svondo rimwe chete rekuti vange vabuda mumigwagwa mavari kuita basa rekuchinja mari, kukundikana kwavo vanozovatorera matanho akaomarara.
VaTsvangirai, avo vanga vave nemakore makumi matanhatu nerimwe ekuberekwa, vakashaya mukupera kwesvondo uye vari kutarisirwa kuradzikwa neMuvhuro kumusha kwavo kuBhuhera.
Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira hurumende kuti igadzirisa nechimbichimbi dambudziko riri kukonzera kushaikwa kwemishonga muzvipatara nezvitoro zvemishonga zvemunyika.
Sangano rePrayer Network Zimbabwe riri kuita munamato weusiku hwese muHarare senzira yekupeta nayo hurongwa hwekunamatira nyika pamwe nekutsanya hwemazuva makumi mana, uhwo huri kupera neChishanu.
Izvi zvinotevera kusabuda pachena kunonzi kuri kuitwa nehurumende pamashoko ekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chivenga pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vanonzi havasi kunzwa zvakanaka.
Imwe nhengo yebato reMDC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaElias Mashavira, yakakwira kudare repamusoro reHigh Court ichida kuti dare iri ritare kuti VaChamisa havasi mutungamiri webato iri sezvo vasina kusarudzwa zviri pamutemo pachiteverwa bumbiro rebato reMDC.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe netatu kuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena ikakoka vaongorori vesarudzo kubva kune dzimwe nyika.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muSouth Africa zvinonzi zviri kukundikana kuwana mabasa nekuda kwekunonoka kwebazi rezvemukati menyika kuzvigadzirira magwaro eZimbabwe Exemption Permit, ayo anozvibvumidza kugara pamwe nekushanda munyika iyi zviri pamutemo.
VaKonjana vari kupikisa danho iri vachiti ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru asi Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iyo yakati VaNduna ndivo vakakunda, yakavhiringidza manhamba akabuda musarudzo iyi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakasvika muNew York muAmerica nezuro, uko vari kutarisirwa kupinda musangano wevatungamiri venyika nedzihurumende, weUnited Nations General Assembly, uyo wakatanga nemusi weChipiri svondo rino.
Vaive munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, ndemumwe wevanyori vakaendeswa kune mamwe mapazi.
VaMnangagwa vaudza nyika pamashoko avo kuvana veZimbabwe kuti hurumende yavo icharwisana zvikuru nehuwori, vachiti hapana munhu achange ari pamusoro pemutemo.
VaKonjana vari kupikisa zvakaziviswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvekuti VaDexter Nduna veZanu PF ndivo vakakunda musarudzo iyi.
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere chekorera hunonzi hwasvika pavanhu makumi matatu muHarare chete kusvika pari zvino, panguva iyo bazi rezvehutano riri kuti riri kuita zvose zvarinokwanisa kuti rimise chirwere ichi.
Rodhai zvimwe