Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeMDC Yopikisa Hutungamiri hwaVaChamisa Mudare rePamusoro


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa.

Imwe nhengo yebato reMDC rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaElias Mashavira, yakakwira kudare repamusoro reHigh Court ichida kuti dare iri ritare kuti VaChamisa havasi mutungamiri webato iri sezvo vasina kusarudzwa zviri pamutemo pachiteverwa bumbiro rebato reMDC.

Mumagwaro avo kudare iri, VaMashavira vanonzi vari kudawo zvakare kuti dare iri ritare kuti kuitwe kongiresi yechimbichimbi mukati memazuva makumi matanhatu yekuti pasarudzwe achatsiva vaive mutungamiri weMDC, mushakabvu Morgan Tsvangirai.

VaMashavira, avo vanove nhengo yeMDC kudunhu reGokwe Sesame, vakakwirirawo dare vamwe vanoti munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, mutevedzeri wemutungamiri webato VaMorgen Komichi, avo vaive sachigaro webato, mutevedzeri webato VaElias Mudzuri, pamwe nemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe.

Vanoti nekushaya kwakaita VaTsvangirai, vaive mutevedzeri webato Muzvare Khupe ndivo vaifanirwa kufanobata matomu.

VaMashavira vari kupikisawo kudomwa kwakaitwa VaChamisa pamwe naVaMudzuri sevateveri vemutungamiri webato kwakaitwa naVaTsvangirai.

Gweta riri kumirira VaMashavira, VaAshel Mutungura, vanoti VaMashavira vari kutevera bumbiro remitemo yebato ravo.

Vanoti vakatosvitsa kunaVaChamisa magwaro ekupikisa kwavo hutungamiri hwavo, pamwewo nevamwe vose vavakakwirira dare.

Asi mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vanoti VaChamisa havasi kushaiswa hope nenyaya iyi nekuti VaMashavira havasi nhengo yebato ravo.

Doctor Sibanda vanoti VaMashavira munhu ari kuda kungovhiringidza mafambiro ezvinhu mubato reMDC chete.

Hurukuro naVaAshel Mutungura
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG