Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshora Hurumende neKusazivisa Veruzhinji Hurwere hweVakuru muHurumende


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo ndemumwe wevanhu vanonzi havasi kunzwa zvakanaka.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvakakosha kuti hurumende izivise veruzhinji nezvehurwere hunenge huchibata vatungamiri muhurumende sezvo vachibhadharwa nemari dzemitero inobva kuvana veZimbabwe.

Izvi zvinotevera kusabuda pachena kunonzi kuri kuitwa nehurumende pamashoko ekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chivenga pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vanonzi havasi kunzwa zvakanaka.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kanawo vakuru vehurumende vari kunzi vari kurwara ava kuti tinzwe mativi avo.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti kunyarara kwehurumende kana vatungamiri ava panyaya dzakadai ndiko kunozopa kuti vanhu vatevere makuhwa anenge achibuda pamusoro pehutano hwavo.

VaMaguwu vanopa muenzaniso wehurwere hwevaive mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela uhwo vanoti hwaiziviswa kune veruzhinji.

Vapawo muenzaniso wevari kuda kugadzwa semutngo wedare repamusoro muAmerica VaBrett Kavanaugh, avo vari kuferefetwa nyaya dzavanonzi vakapara vachiri mwana wechikoro, vachiti izvi zviri kuitwa nekuti VaKavanaugh vari kuda kupinda muhofisi inobhadharirwa nemari dzeveruzhinji.

VaMaguwu vanoti kuzivisa hurwere hwemukuru ari muhurumende kunobatsirawo kuitira kuti vanhu vazive kuti achiri kukwanisa kushanda basa raakasarudzirwa here kana kuti kwete.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG