Mamwe masangano manomwe anorwira kodzero dzevanhu aita musangano nevatori venhau muHarare apo azivisa kuti ari kukurudzira veruzhinji pamwe nevemabhizimusi munyika yose kuti vasaenda kumabasa kana kuvhura nemusi weMuvhuro svondo rinouya.
Masangano aya anoti ari kutora danho iri senzira yekuratidza hurumende kunyunyuta kwevanhu pamamiriro akaita zvinhu munyika.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, vamiriri vemasangano anosanganisira reTajamuka/Sesijikile, ZINASU, ZISO, Zimbabwe Youth Alliance, neConcerned Citizens Agenda vati vari kunyunyuta nematanho ekugadzirisa upfumi akaziviswa svondo rapera negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, pamwe nagavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.
Masangano aya anoti mamwe ematanho aari kunyunyuta nawo anosanganisira kudzikwa kwemutero wemasendi miviri padhora roga roga, izvo anoti zvinosveta varombo zvichipfumisa vapfumi.
Vamiriri avo vatiwo vari kukurudzira veruzhinji kuti vatore matanho neMuvhuro, uye vayambirawo vachaenda kumabasa kana kuvhura zvitoro zvavo musi uyu.
Mukuru weTajamuka/Sesijikile, VaPromise Mkwananzi, vanoti vatotanga kupinda mumigwagwa nemumisha inogara vanhu vachizivisa veruzhinji nezvekurudziro yavo iyi.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.
Asi munyori anoona nezvevechidiki mubato reZanu PF, uye vari mumiriri weGutu South mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti sevechidiki veZanu PF havaoni zvakakoshera kuvharwa kwemabhizimusi pamwe nekuti vanhu vasaenda kumabasa zviri kukurudzirwa nemasangano aya.
VaTogarepi vanoti ino inguva yekuti vana veZimbabwe vange vachishandira nyika yavo, kwete kufadza vanhu vane zvinangwa zvavo, vachiti vana veZimbabwe havafanirwe kuteerera kurudziro iyi.
Facebook Forum