Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Zvomirira neMaziso Matsvuku maGwaro eZimbabwe Exemption Permit


Bazi rezvemukati menyika ndiro rinogadzirisa nyaya dzemagwaro ekugara nekushanda muSouth Africa.
Bazi rezvemukati menyika ndiro rinogadzirisa nyaya dzemagwaro ekugara nekushanda muSouth Africa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muSouth Africa zvinonzi zviri kukundikana kuwana mabasa nekuda kwekunonoka kwebazi rezvemukati menyika kuzvigadzirira magwaro eZimbabwe Exemption Permit, ayo anozvibvumidza kugara pamwe nekushanda munyika iyi zviri pamutemo.

Vamwe vevanhu vanonzi vari kuita dambudziko iri varairidzi, avo vanonzi vave nemwedzi inosvika mipfumbamwe vasati vatambiriswa mihoro yavo nebazi rezvedzidzo iro rinonzi riri kuti rakamirira kuti vatange varisvitsa magwaro aya kuti rikwanise kuvabhadhara.

Sachigaro wesangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa, reZimbabwe Global Forum, VaSolomon Chikowero vanoti vari kutambira zvichemo zvakadai zuva nezuva kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvakamirira magwaro aya.

Asi VaChikowero vanoti sesangano havana masimba ekumanikidza bazi rezvemukati menyika kuti rikasike kugadzirisa magwaro aya, kunze kwekungorikumbira chete kuti rivayeukewo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvemukati menyika reSouth Africa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG