Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voronga Misangano muNew York Pamberi peUNGA


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasvika muNew York muAmerica neChina, uko vari kutarisirwa kupinda musangano wevatungamiri venyika nedzihurumende, weUnited Nations General Assembly.

VaMnangagwa neChishanu vaitawo hurukuro nenhepfenyuro yemuAmerica yeCNN pamwe nebepanhau reBloomberg vachitaurawo pamusoro pehurongwa hwehurumende yavo mune zveupfumi pamwe nezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika vari kutarisirwawo kuita misangano yakati kuti nevemabhizimusi, vezvematongerwo enyika, pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica neCanada.

Asi sachigaro veMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reAmerica, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti nhengo dzavo dziri kuronga kuratidzira kumisangano ichaitwa naVaMnangagwa dzichipikisa kudomwa kwavo semutungamiri wenyika.

VaRuzvidzo vanoti vachatora danho iri senzira yekuzivisa pasi rose kuti vana veZimbabwe vari kupikisa kupinda kwaVaMnangagwa panyanga, vachiti vakabirira sarudzo dzakaitwa muna Chikunguru kunyange hazvo vakanzi nedare reConstitutional Court ndivo vakakunda.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe uye vari nhengo yeZimbabwe Diaspora Network North America, VaGolden Makusha, vanoti vanofadzwa nedanho ratorwa naVaMnangagwa rekupa mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvisangane navo.

VaMakusha, avo vanoti vachange vari kuNew York kunosanganawo nemutungamiri wenyika, vanoti izvi zvinopawo vana veZimbabwe mukana wekuti zvichemo zvavo nepfungwa dzavo zvinzwikwe nemutungamiri wenyika mbune, kwete kuita zvekutumira mashoko avo.

Vanotiwo kuve kumusangano weUNGA kwaVaMunangagwa chinhu chakakoshawo zvikuru sezvo uyu uri musangano wavo wekutanga wekuti vazivise pasi rose nemamiriro akaita zvinhu munyika mavo.

"Tinoona chiri chinhu chakanaka kwazvo kuti vakwanisa kunge vachiuya kuno kuzosangana nevamwe vatungamiri vedzimwe nyika dzakasiyanasiyana, vachimirirawo Zimbabwe kuti izivikanwe pasi pose kuti zvii zviri kuitika kuZimbabwe semutungamiri wenyika," vamakusha vanodaro.

VaMakusha vanotiwo sesangano, vachatorawo mukana wekusangana naVaMnangagwa uyu kuti vanzwe nezvegwaro reDiaspora Policy ravakasvitsa kuhurumende yaivepo yaVaRobert Mugabe, vachida kunzwawo kuti hurumende itsva iyi iri kubata sei nyaya dziri mugwaro ravo dzinosanganisira kuvhota kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvimwe.

Hurukuro naVaGolden Makusha
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG