Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vokurudzira Kuti VaMnangagwa Vabvume Kuti Hurumende Yavo Yakundikana


Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika nezveupfumi haachina kugadzikana izvo zvave kupa kuti vamwe vakurudzire kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nebato ravo reZanu PF vabvume kuti vakundikana kufambisa nyika.

Mitengo yezvinhu inonzi iri kuramba ichiita chamurambamhuru zuva nezuva, mari hadzisi kuwanikwa nyore, zvitoro nemakambani zviri kuvhara zuva nezuva, nyika haina mafuta ekufambisa nezvimwe zvinodiwa pazuva nevanhu.

Ukuwo, hurumende inonzi iri kuramba ichikwereta mari kunze senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko iri.

VeZanu PF vari kuramba kutambira kuti ndivo vari kukonzera matambudziko ari munyika aya, vachinongedza minwe kune vanopikisa, avo vavari kuti ndivo vari kuomesa zvinhu vachida kuti vanhu vapandukire hurumende.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti chiri kuita kuti zvinhu zviome munyika kushaikwa kwehunyanzvi kune vanotungamira makambani ari munyika, izvo zviri kuzokonzera kuti zvinhu zviparare munyaya dzezveupfumi.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano revarairidzi rePTUZ uye vari nhengo yeMDC, Doctor Takavafira Zhou vanoti vanhu havafanirwe kurova imbwa vakaviga mupinyi vachiti VaMnangagwa nehurumende yavo ndivo vakundikana kufambisa basa.

Doctor Zhou vanotiwo chikuru chinofanirwa kuitwa ndechekuti muhurumende muve nekudhonza pamwechete, kwete zvakaratidzwa neveZanu PF avo vakabuda vachiti vakanga vasina kunzwikwa pfungwa dzavo negurukota rezveupfumi, VaMthuli Ncube pavakaburitsa hurongwa hwavo hwemari.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG