Dare rinotonga nyaya dzine chekuita nesarudzo, reElectoral Court, riri kutarisirwa neMuvhuro kupa mutongo waro panyaya yakakwidzwa kudare iri nevaimirira MDC Alliance musarudzo yemumiriri weChegutu West mudare reparamende, VaGift Konjana, avo vari kupikisa kugadzwa kwaVaDexter Nduna veZanu PF semumiriri wedunhu iri.
VaKonjana vari kupikisa danho iri vachiti ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru asi Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iyo yakati VaNduna ndivo vakakunda, yakavhiringidza manhamba akabuda musarudzo iyi.
ZEC yakazivisa kuti VaNduna vakakunda VaKonjana mushure mekuwana mavhoti anoita 10 932, VaKonjana vachiwana navhoti anoita 10 828.
ZEC inonzi yakabvuma kuti yakakanganisa manhamba ayakazvisa, asi yakakurudzira VaKonjana kuti vakwire kudare resarudzo iri kuti nyaya yavo iongororwe.
Studio 7 yakundikana kubata VaNduna kana magweta avo kanawo ZEC kuti tinzwe mativi avo.
VaKonjana vanoti vanoda kuti dare ritonge kuti ndivo vakakunda uye kuti vagadzwe senhengo yeparamende inomirira Chegutu West muparamende, kwete VaNduna.
Asi VaNduna vanonzi vari kutiwo dare iri harina masimba ekushandura zvinenge zvaitwa neZEC, uye kudoma mumwe munhu kuti ndiye akakunda.
Facebook Forum