Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira hurumende kuti igadzirisa nechimbichimbi dambudziko riri kukonzera kushaikwa kwemishonga muzvipatara nezvitoro zvemishonga zvemunyika.
Mutauriri wesangano iri Doctor Fortune Nyamande, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusorosoro paUmea University kuSweden, vanoti kushaikwa kwemishonga munyika kwave kuita kuti vezvitoro zvinotengesa mishonga pamwe nezvimwe zvipatara vakwidze mitengo.
Doctor Nyamande vanoti zvimwe zvipatara pamwe nezvitoro zvemishonga vave kuramba kutambira varwere vanenge vachida kushandisa makadhi kana kuti medical aid cards.
Vanoti hurumende ndiyo chete inokwanisa kugadzirisa dambudziko iri, iro rinonzi riri kukonzerwa nekushaikwa kwemari yekunze, uye vari kukurdzirawo kuti zvinhu zvodzokere pekare paya pekuti makambani emunyika akaita seCaps, Varichem nemamwe, vagadzire ivo mishonga pane kutenga kunze.
Vanotengesa mishonga vanonzi vari kuti havasi kuwana mari yekunze inovakwanira kuti vakwanise kupinza mishonga iyi munyika.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende kanawo RBZ panyaya iyi.
Facebook Forum