Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChitatu vakaisa shanduko kumapazi ehurumende kuburikidza nekuisa vanyori vemapazi vatsva, kumisa vamwe mabasa vamwe vachibviswa kumapazi aya vachiendeswa kune mamwe.
Vaive munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, ndemumwe wevanyori vakaendeswa kune mamwe mapazi.
VaCharamba ndivo vave mutevedzeri mukuru wemutauriri wemutungamiri wenyika.
Vaive mabharani mukuru wehurumende, VaTobaiwa Mudede, ndemumwe wevashandi vakuru vapfumbamwe vakaendeswa pamudyandigere vanosanganisira vaimbove mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, VaBoniface Chidyausiku, naVaJoey Bimha.
Vamwe vanoti danho ratorwa naVaMnangangwa iri rakanaka sezvo zvichipawo mukana kupfungwa itsva kuti dzipinzwe mumapazi aya.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti izvi hazvina zvazvinoshandura mumashandiro emapazi ehurumende sezvo hurumende yacho ichingori imwechete.
Doctor Zhou vanoti vese vaiswa mumapazi ava havana zvikuru zvavanoita sezvo hurumende iri kutungamirwa nevanhu vari kunzi vave kushandira kumuzinda weZanu PF, vazhinji vavo vaimbove makurukota ehurumende.
Facebook Forum