Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti iri Kuita Zvose Zvainogona Kurwisa Chirwere cheCholera


Vafa nechirwere chekorera vanonzi vasvika pamakumi matatu, hurumende ichiti iri kuita zvose zvainogona kumisa chirwere ichi.
Vafa nechirwere chekorera vanonzi vasvika pamakumi matatu, hurumende ichiti iri kuita zvose zvainogona kumisa chirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vafa nechirwere chekorera hunonzi hwasvika pavanhu makumi matatu muHarare chete kusvika pari zvino, panguva iyo bazi rezvehutano riri kuti riri kuita zvose zvarinokwanisa kuti rimise chirwere ichi.

Mumwe mukuru mubazi rezvehutano, Dr. Robert Mudyiradima, vanone principal director, vaudza Studio7 kuti hurumende yaisa mari inosvika mamiriyoni gumi nerimwe emadhora mukurwisa chirwere che korera.

Chirwere ichi chinonzi chakatekeshera mumisha yeGlen View neBudiriro muHarare.

KuBulawayo chirwere ichi chinonzi chakabatawo vanhu vashanu, asi meya weguta iri VaSolomon Mguni vaudza Studio 7 kuti pari zvino hapana hupenyu hwati hwarasika, uye vachange vachivhurira mvura munhu wese ari kugara muguta iri kunyangwe vane zvikwereti kukanzuru.

Mumwe chiremba ari muHarare, Docotor Rutendo Bonde, vari kuyambira veruzhinji munyika kuti vakoshese hutsanana uye kuti vaende kuchipatara kana vakaona vava kuita manyoka, sezvo chiri chimwe chiratidzo chechirwere chekorera.

Hurukuro naDr. Rutendo Bonde
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vashandi vekanzuru yeHarare vachibatsirwa nemapurisa ekanzuru pamwe neZimbabwe Republic Police vanonzi neMugovera vaswera zvakare vachiita hwakitsi nagonzo nevanotengesera mumigwagwa yeguta iri, avo vari kuramba kubva mumigwagwa.

Kanzuru iri kuedza kubvisa vanotengesera mumigwagwa ava senzira yekuderedza nayo kupararira kwechirwere chemanyoka che cholera.

Asi mukuru wesangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi vanoramba kuti vanotengesera mumigwagwa ndivo vari kuwedzera kuparadzira chirwere chekorera ichi.

VaWadzayi vanoti vanofunga kuti kubviswa kwavari kuitwa mumigwagwa hakuneyi nechirwere che cholera asi kuti kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG